Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogadzirira Kutarisana neDutumupengo "Florence" muNorth Carolina


Dzimba nemotikari dzakakuvadzwa nedutumupengo Florence.

Apo dutumupengo rinonzi Hurricane Florence rasvika zvine mutsindo mumatunhu eNorth Carolina neSouth Carolina richibva mugungwa reAtlantic, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mumatunhu aya zviri kugadzirira kuti zvisapinda munjodzi.

Dutumupengo iri rinonzi riri kutarisirwa kuuyisa mvura yemwedzi misere muzuva rimwe chete.

VaTimothy Makore, avo vanogara muCharlotte, kuNorth Carolina, vanoti havasati vanzwa chizvarwa cheZimbabwe chati chapinda mudambudziko nedutumupengo iri.

Asi vati vanhu vari kugara vakataura vose kuitira kuti vazive kana mumwe wavo awirwa nedambudziko redutumupengo.

“Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshandisa WhattsApp zvichiudzana zviri kuitika nekupanana mazano,” VaMakore vaudza Studio7.

Pari zvino dutumupengo iri rauraya vanhu vatatu, kusanganisira vamwe amai nemwana wavo mucheche vanonzi vawirwa nemuti muguta reWilmington iro raona mhepo yange ichiita mamaira zana nemashanu paawa imwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG