Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvinochaira Magonyeti muSouth Africa Zvosangana neHurumende Musi weChitatu


Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu reSouth Africa, VaFikile Mbalula
Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu reSouth Africa, VaFikile Mbalula

Vatyairi vemarhori vekuZimbabwe vari kushanda vari kuSouth Africa vari kusangana neSvondo nemasangano anorwira kodzero dzevanhu kuti vazeye matambudziko avakatarisana nawo.

Mushure mezvo vachasangana negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaFikile Mbalula, pamwe chete negurukota rezvemukati menyika, VaAaron Motsoaledi, muDurban muSouth Africa nemusi weChitatu.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinotyaira magonyeti kuSouth Africa, VaTatenda Chidombwe, vaudza Studio7 kuti vatyairi veku Zimbabwe vanosvika makumi mana vakatomiswa mabasa mushure mekutyityidzirwa kwakaitwa varidzi vemakambani avanoshandira.

Kutyityidzirwa uku kunonzi kuri kuitwa nezvizvarwa zvemuSouth Africa izvo zviri kuti zviri kutorerwa mabasa nevanhu vasiri zvizvarwa zvemunyika iyi.

Kune mashoko anoti kune mamwe matiraki akatopiswa zvichikonzerwa nezvizvarwa zvemuSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG