Accessibility links

Breaking News

ZACRO Inoti Inoshushikana Kuti Vasungwa havasi Kukwanisa Kuvhota


ZACRO inoti vasungwa vaifanirwa kubvumidzwa kuvhota musarudzo dzegore rino sezviri mubumbiro remitemo.

Sangano rinorwira kodzero dzevasungwa, reZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitation of the Offender (ZACRO), rinoti rinoshushikana zvikuru kuti vasungwa havasi kukwanisa kushandisa kodzero dzavo dzekuvhota musarudzo dzegore rino sezviri mubumbiro remitemo.

Mukuru wesangano iri, VaEdson Chihota, vanoti yakanga iri tarisiro yavo yekuti vasungwa nevachabuda mumajeri musi wesarudzo, vakwanise kuvhota, asi havana kukwanisa kuwaniswa mukana wekunyoresa mazita avo neZimbabwe Electoral Commission.

VaChihota vanoti vanotarisira kugara pasi nekomisheni yekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission kana sarudzo dzapera kuitira kugadzirisa dambudziko iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG