Accessibility links

Breaking News

Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga Vosvitsa Nyaya yeMadzimai Akatiza kuKuwait Muparamende?


Priscilla Misihairambwi Mushonga
Priscilla Misihairambwi Mushonga

Madzimai nevanasikana vakadzoka kubva kuKuwait nemugovera, nezuro vakaendeswa kudzimba dzavo mushure mukupihwa rubatsiro rwekutsigisa pfungwa dzavo zvichitevera zvisionekwi zvavakasangana nazvo kuKuwait.

Madzimai nevanasikana vakadzoka kubva kuKuwait neMugovera vakaendeswa kudzimba dzavo neSvondo mushure mukupihwa rubatsiro rwekutsigisa pfungwa dzavo zvichitevera zvisionekwi zvavakasangana nazvo kuKuwait.

Madzimai aya ari makumi matatu nemaviri vakasvika munyika neMugovera uye vakabatsirwa nehurumende kuti vavhenekwe navanachiremba sezvo vamwe vavo vachiti vakashungurudzwa vamwe vakabhinywa kuKuwait izvo zvakazoita kuti vatize.

Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga vaive ku Kuwait vari muchikwata chenhengo dzeparamende dzaishanya kunyika. Amai Misihairambwi-Mushonga vanoti vachakwidza nyaya yemadzimai aya kuparamende kuitira kuti ione kuti zvii zvingaitwe mukugadzirisa dambudziko rekunyeperwa kwevanhu vachinzi kune mabasa kuKuwait nekune dzimwe nyika.

Vanoti neSvondo vakabatana negurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Prisca Mupfumira, nemasangano akazvimirira anosanganisira Musasa Project mukuenda kunotaura nemadzimai nevanasikana ava vasati vadzokera kudzimba dzavo.

Madzimai nevanasikana ava vakawonekwa navachiremba nekubatsirwa nemari dzekufambisa kuti vadzokere kumhuri dzavo.

"Nyaya dzatakanzwa kubva kumadzimai nevanasikana ava dzinosiririsa uye sangano reMusasa Project mangwana richataura navo mumwe nemumwe kuti tinzwe kuti vakafamba seyi," Amai Misihairambwi-Mushonga vaudza Studio7.

Priscilla Misihairambwi MDC-N Parliamentarian
Priscilla Misihairambwi MDC-N Parliamentarian

"Ndatomirira kuti ndiendese zvatakasangana nazvo kuKuwait kuparamende kuti zvizeyewe, toda kunzwa kuti hurumende yakamira papi panyaya yekubatsira zvizvarwa zvayo zvinenge zvatarisana netsekwende kunze kwenyika," Amai Misihairambwi-Mushonga vaenderera mberi.

Madzimai vanosvika mazana maviri vanonzi vakanyeperwa nemakoronyera kuti kwakange kune mafuro manyoro kuKuwait asi vakasvikosangana negwenga sezvo vange vave kubatwa senhapwa vamwe vavo vachishandiswa nekubhinywa.

Amai Mupfumira vaudza Studio7 kuti vachaburitsa gwaro pamusoro penyaya yemadzimai ava nezvavakasangana nazvo.

"Tichiri kuzeya nekuwongorora zvakaitika kumadzimai nevasikana ava kuKuwait uye tichaburitsa gwaro pamusoro penyaya iyi neChipiri," Amai Prisca Mupfumira vaudza Studio7.

Amai Musihairambwi Mushonga vanoti chinonyanyo shungurudza ndechekuti vanhu vachiri kukwezwa kuti vaende kunoshanda kunyika dzakadayi seKuwait nedzimwewo dzekumaArab uye vanakomana nevarume vanonzi vari kufungidzirwa kuti vave kutsvagwawo nemakoronyera kuti vaende kunoshanda kunzvimbo idzi.

Vanenge vane hama dzavanofungidzira kuti dziri kuKuwait dzavasiri kuziva kwavari vanokurudzirwa kuti vafone kana kutumira WhatsApp panhamba dzinoti +96565965310 ne +96565965310.

Hurukuro NaAmai Priscilla Misihairambwi-Mushonga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG