Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights Commission Inokurudzira Mapurisa Kuferefeta Kupambwa kweMadzimai Matatu eMDC Alliance


VaSilas Chekera
VaSilas Chekera

Komishini inochengetedza kodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, (ZHRC), inoti ongororo yayakaita mushure mekupambwa nekuzowanikwa kwevakadzi vatatu vebato guru rinopikisa, reMDC Alliance, inoratidza kuti pakatyorwa kodzero dzevanhu uye pane mhosva yakaparwa.

Vakadzi vatatu ava, avo vanosanganisira mumiriri weHarare West mudare reParamende, Muzvare Joanna Mamombe, vakapambwa svondo rapfuura nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori. Vakazowanikwa kwapfuura mazuva maviri asi vakarohwa zvakaipisisa uye pari zvino vachiri muchipatara.

Mugwaro ravo ravabudisa, Zimbabwe Human Rights Commission yakurudzira mapurisa eZimbabwe Republic Police kuti aongorore nekuferefeta nyaya iyi zvakadzama, ichiti vanhu vakaita izvi vanofanirwa kusungwa.

Zimbabwe iri kuona kuwanda kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu, zvikuru sei kweavo vanofungidzirwa kuti havatsigiri hurumende.

Sangano remubatanidzwa wenyika dze ku Europe, reEuropean Union, rakatumira mashoko kuhurumende yeZimbabwe kuti iongorore nekutsvaka vakadzi ava.

Izvi zvakakurudzirwawo nemuzinda weAmerica muZimbabwe.

Vakadzi ava vakazowanikwa kuBindura asi vakarohwa zvakaipisisa.

Gweta uye vari muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira, VaSilas Chekera, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe Human Rights Commission ine basa guru rekuita, vachiti chekutanga ndechokuti vanhu munyika vavimbe nekomishini iyi, kuitira kuti vazive kuti inogona kuchengetedza kodzero dzavo zvakakwana.

VaChekera vati basa Zimbabwe Human Rights Commission richaiomera kana ikatadza kuwana ruvimbo kubva kuvanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG