Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Vanoti Varwere Vanogona Kuendesa Hurumende kuMatare


Typhoid patients in Harare, Zimbabwe.
Typhoid patients in Harare, Zimbabwe.

Vana chiremba vapinda muzuva regumi neshanu vachiramwa mabasa vachiti zvichemo zvavo hazvisi kunzwikwa nehurumende.

Munyori mukuru wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors For Human Rights, Dr Evans Masitara, vanoti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nezviri kuitika izvi vachiti hutano hwakanaka ndeimwe yekodzero dzevanhu vese saka varwere vanogona kuendesa hurumende kumatare edzimhosva nenyaya iyi.

Dr Masitara vati chimwe chinokonzera kuti zvichemo zvanachiremba zviite makore mazhinji zvisina kugadziriswa, inyaya yekuti vanhu vanoshanda mubazi rezvehutano, kusanganisira negurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vagarisa pabasa iri asi vane zvishoma zvavakagadzirisa.

“Pangapachida kuti panguva ino iyi, sezvo kuchitaurwa nezvemaitiro matsva, zvaidawo kuti mubazi redu reutano nemumaofisi nemumabhodhi edu muchimbounzwawo kufunga kutsva kwevanhu vanofunga zvakati siyanei. Mukatarisa munoona kuti kubva 1980, vanhu vakange varimumahofisi aya ndivo vanongorimo nanhasi.”

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaParirenyatwa panyaya iyi.

Asi munyori mubazi rezvehutano, Dr Gerald Gwinji, vanoti hurumende iri kutaurirana navana chiremba uye panguva iyo nhaurirano dzinenge dzichiitwa, vana chiremba ava vanofanirwa kudzokera kumabasa.

Asi vana chiremba ava vanoti havasi kudzokera kubasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Zvimwe zvezvichemo izvi zvinosanganisira mihoro ine chiremera, kusabvisiswa mitero pamotokari dzavanenge vatenga kunze kwenyika kuitira kuti vashandise kuenda nekudzoka kubasa, nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG