Accessibility links

Breaking News

Mapato Orangarira Vaimbove Mutungamiri weNyika, VaRobert Mugabe


FILE - Opposition leader Nelson Chamisa gestures while addressing a rally of his Movement for Democratic Change (MDC) party in Harare, Zimbabwe, July 11, 2019.
FILE - Opposition leader Nelson Chamisa gestures while addressing a rally of his Movement for Democratic Change (MDC) party in Harare, Zimbabwe, July 11, 2019.

Mapato ezvematongerwo enyika anoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushayika kwevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vemapato ezvematongerwo enyika vakaita sebato rebato reZanu PF vanoti VaMugabe munhu akashandira nyika zvikuru uye vanoti kufa kwavo kwavabaya panyama nhete.

Munyori anoona nezvemari muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vati VaMugabe munhu akashandira nyika zvikuru kubva munguva yehondo yeChimurenga kudzamara nyika yawana kuzvitonga vasati vabviswa pachigaro chemutungamiri wenyika muna 2017.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vatiwo sebato vari kushushikana nekuenda kwamupfiga nembwe kwaita VaMugabe.

Mutevedzeri wemurongi wemisangano mubato reZapu, VaMjobiza Noko, vatiwo bato ravo ranga richida kuti VaMugabe vazofa havo vasiya vagadzirisa nyaya yeGukurahundi iyo yakakonzera kufa kwevanhu zviuru makumi mumatunhu eMatabelleland neMidlands.

Kunyange hazvo chivanhu chichiti wafa wanaka, VaChamisa vatiwo VaMugabe vane zvavakatadzawo zvinosanganisira nyaya yekutadza kusimbaradza hutongi hwejekerere muZimbabwe pamwe nekutadza kufambisa sarudzo zvakanaka panguva yavaive pachigaro.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vatiwo VaMugabe vakaita basa guru pakuwanisa kwavakaita veruzhinji minda kunyange hazvo vachiti chirongwa ichi hachina kuitwa nenzira yakanaka.

Izvi zvastinhirwa neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vaimbova mukuru aiona nezvehupfumi mubazi rezvemari munguva iyo VaMugabe vaive panyanga, VaMasimba Manyanya.

Imwewo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaClaris Madhuku, avo vanoshanda nesangano rePlatform for Youth Development, vaudza Studio7 kuti VaMugabe munhu airemekedzwa pasi rose asi aine zviso zviviri.

Zvichakadai, mireza yaswera isina kudzikiswa muHarare kunyange hazvo mashoko atatambira kubva kuKenya achiti mireza yenyika iyi yabva yadzikiswa mangwanani pabuda mashoko erufu rwaVaMugabe.

VaMugabe, avo vashayikira muchipatara che Gleneagles Hospital kuSingapore,vasiya mudzimai, Amai Grace Mugabe, nevana vatatu vanoti Amai Bona Mugabe Chikore, Robert Junior na Bellarmine Chatunga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG