Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votadza Kusununguka kuMasvingo Vachitya Vasori


Masvingo residents
Masvingo residents

Mugari wekuMasvingo, Va Paul Zinhoro, vanoti muguta hamuna mufaro hwakakwana kuvagari kunyange kune musangano mukuru wakadai.

Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti vari kugara vachitya kutaura nyaya dziri kuvanetsa mukurarama pamwe nezviri kuitika munyika sezvo muguta ravo muzere vasori zvichitevera musangano we Zanu PF wekupera kwegore uri kuitirwa muguta iri.

Vataura ne Studio7 vanoti nyaya hadzisi kutaurika sezvo vanochengetedza runyararo vanosanganisira mapurisa, mauto pamwe nevasori vakawandisa muguta iri.

Mugari wekuMasvingo, Va Paul Zinhoro, vanoti muguta hamuna mufaro hwakakwana kuvagari kunyange kune musangano mukuru wakadai.

Mumwevo mugari aramba kudomwa zita rake atikunyange kufamba famba kwava kunetsa kunyaya mumusha we Rhodene uyo une imba ichange ichigara mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vamwe vanoti vakatarirwa nguva dzekufamba vakanzi kana nguva dza six manheru dzachaya vapinde mudzimba.

VaJefferson ChitandovekwaMucheke vanoti nyaya hadzichatauriki munzvimbo dzekutandarira.

Musangano uyu uri kuitwa apo kune kurwisana kukuru mumusangano pakati pezvikwata zviviri zve Lactose ne G40.

Musangano uyu, uyo unopera musi we Mugovera uri kuitwa apo zvikwata zviviri zve Lactoste ne G40 zvirikurwisana zvikuru kuti zvigotsiva Va Mugabe pavachasiya chigaro.

Studio 7 yatadza kubata sachigaro we Zanu PF veMasvingo, Va Amasa Nenjana, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyayayevagari avo vari kutya kufamba vachitaura pfungwa dzavo pachena.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG