Accessibility links

Breaking News

Masangano Ari muNERA Oratidzira neChitatu?


VaJacob Ngarivhume, mutungamiri weTransform Zimbabwe.
VaJacob Ngarivhume, mutungamiri weTransform Zimbabwe.

Rimwe remasangano anopikisa munyika reTransform Zimbabwe razivisa kuti richapinda mukuratidzira kwemusi weChitatu kuchaitwa nemasangano anopikisa achishanda ari pasi peNational Electoral Reform Agenda, kana kuti NERA.

Sangano reNERA rine mapato anosvika gumi nematatu ari kuita chirwirangwe panyaya yekuti mitemo yesarudzo ivandudzwe sarudzo dza 2018 dzisati dzaitwa.

Mutungamiriri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vaudza vatori venhau kuti bato ravo rinotsigira kuti munyika muve neshanduko panyaya dzekuvhota kuitira kuti sarudzo dza2018 dzive dzinenge dzakachena.

Vatiwo ivo nevamwe vavo muNERA havasi kufara nenyaya yekuti hurumende yave kuda kutora hurongwa kwekutenga michina yekushandisa kunyoresa vanhu kuvhota yeBiometric Voter Registration kubva kuUNDP uye vari kutora matanho ekuti izvi zvisaitike.

Vatiwo bato ravo rave kufamba nenyika yese richikurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota gore rinouya.

Vatiwo kana zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvikarambidzwa kuvhotera ikoko, bato ravo rine hurongwa kwekubatsira zvizvarwa izvi zvikurusei zviri kuSouth Africa neBotswana kuti zviuye kuzovhota musarudzo dza2018.

Zvinofungidzirwa kuti pane vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vemuZimbabwe vanogara kunze kwenyika zvikurusei kunyika dzakaita seSouth Africa, Botswana neBritain.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG