Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshamiswa neChigaro chaVaChiyangwa muCosafa


Businessman Phillip Chiyangwa has been elected ZIFA president. (Courtesy: Phillip Chiyangwa Facebook page)
Businessman Phillip Chiyangwa has been elected ZIFA president. (Courtesy: Phillip Chiyangwa Facebook page)

Aimbotambira Caps United, Charles Manjera, anoti VaChiyangwa havakodzeri kutungamira Cosafa sezvo vakonzera nyonga nyonga munhabvu munyika.

Veruzhinhi vari kushamisika nekusarudzwa kwemutungamiri weZimbabwe Football Association, VaPhillip Chiyangwa, semutungamiri wesangano renhabvu rekuchamhembe kweAfrica, reCOSAFA.

VaChiyangwa vakasarudzwa pachinzvimbo chakakosha ichi mushure mekushaya munhu wekukwikwidza naye apo VaDanny Jordan vekuSouth Africa vakabuda musarudzo isati yatanga uyezve vaive pachigaro ichi, VaSuketu Patel vekuMauritius, vakati pavo paive pakwana mushure mekutungamira sangano iri kwemakore gumi.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti VaChiyangwa vaifanira kuve vasina kukwikwidza pachigaro cheCosafa ichi sezvo vari kutadza kugadzirisa matambudziko makukutu ari munhabvu yemuZimbabwe.

Aimbotambira Caps United, Charles Manjera, anoti VaChiyangwa havakodzeri kutungamira Cosafa sezvo vakonzera nyonga nyonga munhabvu munyika.

Sangano rinotungamirwa naVaChiyangwa reZifa riri kupomerwa mhosva dzakawanda kusanganisira kusabata zvakanaka chikwata chevanhukadzi chemaMighty Warriors pamwe nekukonzera nyonga nyonga nenyaya yekubuda pamwe nekupinda kwezvikwata muPremier Soccer League.

Muteveri wechikwata cheCaps United, VaShingirai Miti, vanoti VaChiyangwa vaive vasingafanire kuve vakasarudzwa kutungamira sangano guru iri sezvo vakundikana kugadzirisa zvemunyika mavo.

Kunyange hazvo vakashamisika nekusarudzwa kwaVa Chiyangwa kutungamira Cosafa, nhengo yeZimbabwe Warriors Fan Club, VaWellington Masocha, vanoti vave kutarisira VaChiyangwa kushandisa chigaro chavo chitsva kutsvagira nhabvu yemunyika mari.

VaChiyangwa vachange vachitungamira Cosafa kwemakore mana anotevera.

Basa guru ravatarisana naro nderekuedza kuchengetedza makambani anoisa mari musangano iri ayo akasiiwa atsvagwa naVaPatel.

Zvakamira zvakadai, murairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, asvitsa kune veZifa vatambi makumi matatu nemumwe chete avo ari kutarisira kuenda navo kuma 2016 Africa Cup of Nations.

Vatambi ava vachadamburwa kusvika pa makumi maviri nevatatu avo murairidzi uyu achatakura kuenda navo kuGabon uko Zimbabwe ichasangana neAlgeria, Senegal pamwe neTunisia.

Vatambi vakatamba mumitambo yemunzira yekuenda kuGabon vakaita sa Knowledge Musona, Khama Billiart, Willard Katsande, Costa Nhamoinesu, Nyasha Mushekwi, Tendai Ndoro, Danny Phiri, Tatenda Mukuruva, Onismo Bhasera, Marvelous Nakamba, Cuthbert Malajila, Hardlife Zvirekwi na Mathew Rusike vari muchikwata chadomwa ichi.

Vatambi vatsva avo Pasuwa ari kuda kuongorora vanosanganisira Oscar Machapa, Liberty Chakoroma,Talent Chawapihwa, Bruce Kangwa, na Tinotenda Kadewere uyo anotamba kuSweden.

Vatambi ava vanofanira kudzikiswa kusvika pamakumi maviri nevatatu musi wa 30 Zvita usati wasvika.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG