Accessibility links

Breaking News

Sangano reSACU Rowanisa Nhengo Dzaro muAmerica Ruzivo Pamusoro peCovid-19


Sangano reSACU rinomirira zvizvarwa zvekucvchsamhembe kweAfrica zviri muD.C., Maryland neVirginia muAmerica
Sangano reSACU rinomirira zvizvarwa zvekucvchsamhembe kweAfrica zviri muD.C., Maryland neVirginia muAmerica

Sangano rinomirirra zvizvarwa zvekuchamhembe kweAfrica zvinogara munharaunda yeD.C, Maryland neVirginia, reSouthern African Community USA, nemusi weSvondo rakakokera hurukuro padandemutande pamusoro pedenda reCovid-19 senzira yekuti veruzhinji vanzwisise pamusoro pedenda iri uye kuti ringabatwa sei.

Nhengo yebhodhi reSACU vachiona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, Muzvare Omega Tawonezvi, vanoti sangano ravo rakatora danho iri kuitira kuti veruzhinji vawane ruzivo rwuzere pamusoro pedenda reCovid-19, iro rashungurudza pasi rose.

Muzvare Tawonezvi vanoti kuti vanhu vanzwisise kukosha kwenzira dzekudzvirira nadzo pamwe nekurapa denda iri, vakakoka nyanzvi mbiri dzinoti chiremba vari nyanzvi yemishonga yechirungu Dr. Bukhosi Dube vanove chizvarwa chekuZimbabwe, pamwe nemumwe godobori wemishonga yechivanhu anobva kuSouth Africa kuti vatsanangurire veruzhinji pamwe nekupindura mibvunzo yaive nevanhu.

Vamwe vakataurawo pamusangano uyu vanhu vaakapona kubva kudenda iri avo vakagoverawo kune vamwe nzira dzavakashandisa mukurwisana nedenda reCovid-19.

Sangano reSouthern African Community USA rinoshandawo nemakanzuru pamwe nehurumende dzematunhu mukubatsira zvizvarwa zvekuAfrica muzvirongwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvehutano nezvehupfumi.

Muzvare Tawonezi vanoti sangano ravo rine hurongwa hwekuita mimwe misangano nenhaurwa pamusoro pedenda reCovid-19 senzira yekupa ruzivo nedzidziso kunhengo dzavo.

Hurukuro naMuzvare Omega Tawonezvi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG