Accessibility links

Breaking News

Mapato ezveMatongerwo eNyika Okurudzirwa


Mapato ezvematongerwo enyika ari kukurudzirwa kuti ashandise vekunze pakuitisa sarudzo dzawo kuitira kupedza chikiribidi.
Mapato ezvematongerwo enyika ari kukurudzirwa kuti ashandise vekunze pakuitisa sarudzo dzawo kuitira kupedza chikiribidi.

Masangano akazvimirira anoongorora sarudzo munyika anoti mapato ezvematongerwo enyika anofanirwa kushandisa masangano akazvimirira kukokera sarudzo dzawo kuitira kuti pasave nekupumhana huroyi mushure mesarudzo dzinoitwa nemapato aya.

Zvichitevera kusagutsikana nezvakabuda musarudzo dzeZanu PF dzematunhu mamwe masangano anoongorora sarudzo anoti zvakakosha kuti sarudzo dzemapato aya dzikokerwe nemasangano ezvesarudzo anenge asina divi raakarerekera.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vanoti sarudzo dzikaitiswa nevane ruzivo uye vasineyi nezvinenge zvabuda musarudzo idzi, zvinoita kuti zvinobuda musarudzo idzi dzitambirwe.

VaMakoni vanoti kuongororwa kwesarudzo dzemapato kwakakosha sezvo pachionekwa kuti ari kutevedzera here kana kuti kwete mitemo yesarudzo.

VaMakoni vanoti mapato ezvematongerwo anofanirwa kutevedzera maitirwo anoitwa sarudzo zvakaita sekuvhota vanhu vasingaone pavhotera munhu, kuti munhu avhote kamwe chete uye kuti sarudzo dzaitwa pasina mhirizhonga nechikiribidi.

VaMakoni vanoti zvimwe zvingangotadzisa kuongororwa kwesarudzo dzemapato inyaya yemari pamwe nezvikwanisiro zvakakwana.

Izvi zvatsigirwa nemutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness Dube, avo vanoti vanokurudzira mamwe mapato sezvo ivo vagara vachiitirwa sarudzo dzavo nemasangano anoita zvesarudzo.

Vanoona nezvesarudzo mubato reMDC Alliance, VaIan Makone, vanoti nyaya yekuti sarudzo dzebato dziitiswe nemasangano akazvimirira, inyaya yavari kuzeya sebato.

Mutauriri webato reZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vanoti havana chekutaura sebato asi sedungamunhu vanoti mapato anoita zvaanoda sezvo asingasungirwe nemutemo kukoka mamwe masangano kuzokokera sarudzo dzawo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatara kuti sarudzo dzema by-elections dzevamiriri veparamende dzinosvika makumi maviri nesere dzichaitwa kupera kwaKurume gore rino izvo zvichaita kuti mapato ezvematongerwo enyika aite chipatapata nhaka yemakonzo kutsvaka vanhu vachamirira mapato aya musarudzo idzi.

Izvi ndizvo zviri kukurudzirwa naVaMakoni kuti pakusarudza munhu anomirira bato, sarudzo yacho inofanirwa kukokerwa nevanhu vasineyi nesarudzo iyi kuitira kuti pasave nekuchema chema kwekubiridzirwa kwesarudzo.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG