Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanobatana Mukuratidzira Vachiti VaMugabe Vasiye Basa


Zimbabwe Political Turmoil
Zimbabwe Political Turmoil

Zviuru nezviuru zvezvirwa zvevanhu zvaratidzira muHarare zvichirumbidza zvakaitwa nemauto enyika vachitiwo mutungiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.

Migwagwa yemuguta reHarare yanga isingafambiki nekuda kwevanhu nedzimotokari avo vanga vakarasa miswe nemufaro.

Veruzhinji vanga vachiimba nziyo yemumwe muimbi wechidiki, Jah Prazah, yekuti "Mudhara Vachauya" huye vamwewo ndovanga vachiridza pamwe nekuimba nziyo dzekurumbidza mauto.

Kunyange hazvo migwagwa yemudhorobha yanga yakazara, zvimwe zviuru nezviuru zvaungana kuZimbabwe Grounds kumusha weHighfields kwanga kune musangano wakarongwa nevaimbove varwiri verusununguko.

Veruzhinji vazobva kumusha weHighfields vamwe vachifamba netsoka kusvika vasvika pamuzinda unoshandira mutungamiriri wenyika weState House

Varatidzira ava vange vari vemazera ese.

Sekuru Clemence Chako, avo vabva kwaChurumanzi, vati kunyange hazvo vachifamba nemudonzvo, vati zuva ranhasi ranga rakavakoshera kuti vabatane nezvimwe zvizvarwa kuratidza mufaro wavo nezvakaitwa nemauto.

Mumwe wevanga vari kuratidzira kekutanga muhupenyu hwavo, VaTafadzwa Mugabe, vati kumiswa kwenyonga nyonga nemauto neChipiri ndozvavasunda kuti vabude vabatane nevamwe.

Amai Catherine Makunere, avo vati vafamba kubva kuKuwadzana, kuenda kuHighfields, pamwe nekuzoenda kuState House, vati rudo rwekusunungura nekugadzira ramangwana ravo ndozvaita kuti vazvipire kunyange vanga vasina mari yekufambisa.

Amai Makunere vati VaMugabe vanofanirwa kusiya basa nechimbi chimbi.

Mumwe mukuru wemauto, Major General Sibusiso Moyo, vatenda veruzhinji varatidzira vachirumbidza zvakaitwa nemauto.

KuZimbabwe Grounds mamwe makurukota ehurumende akaita saAmai Oppah Muchinguri naVaPatrick Chinamasa vashoropodzaVaMugabe vakati nguva yakwana yekuti vasiye basa.

VaChinamasa vatiwo mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanofanirwa kuferefetwa nehuori hwavakara, pamwe nedzimwe mhosva dzavari kupomerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG