Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Mhuri yeVanhu Vashanu Yave Kuda Mari Inodarika Zviuru Zvisere zveMadhora paMwedzi


Mutungamiri wesangano revashandi reZCTU, VaPeter Mutasa.
Mutungamiri wesangano revashandi reZCTU, VaPeter Mutasa.

Sangano guru rinomirira vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti nekuda kwekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu munyika, mhuri ine vanhu vashanu yave kutoda mari inodarika zviuru zvisere zvemadhora emunyika pamwedzi.

Mutungamiri we ZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti mitengo yezvinhu zvakaita semafuta ekufambisa, chingwa, upfu nezvimwe, iri kukwira pazuva kana pasvondo roga roga, izvo zvave kuita kuti vashandi vakundikane kurarama nekuda kwekuti mari dzavo hadzisi kukwidzwawo.

VaMutasa vanoti hapana mushandi ari kukwanisa kutambira mari iyi pamwedzi, vachiti vashandi vakawanda vari kunonga svosve nemuromo.

Vanoti chiri kudiwa kuitwa munyika nekukasika kugadzirisa mamiriro ezvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi.

"Tinoona kuti nyika iri kuramba ichitoenda kumawere. Pave kudiwa Hutungamiri hunoziva kuti panofanirwa kuti pagadziriswe zvinhu nekukurumidza," VaMutasa vanodaro.

Mutengo wechingwa, icho chinotarisirwa nemhuri dzakawanda dzisingadye sadza masikati, wakakwidzwa kubva pamadhora gumi kuenda pamadhora gumi nematanhatu, mutengo unonzi nevakawanda hauchakwanisiki.

Hurukuro naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG