Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voshushikana neKuwanda kweVanhu Vari Kubatwa neCovid-19 Munyika


Victoria Falls Covid-19 Vaccination Men

Vanhu vakawanda munyika vari kushushikana zvikuru nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19.

Vanhu vakawanda vataura neStuduio7 kuChiredzi vanoti huwandu huri kubudiswa hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 kwemazuva mana apfuura huri kuvatyisa sezvo guta iri raramba riri roga rine vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi zvichienzaniswa nemamwe maguta mudunhu rose reMasvingo.

Dzimwe nzvimbo mudunhu reMasvingo dziri kubuda dzisina kana munhu
mumwe chete anobatwa nechirwere ichi panoongororwa vanhu zuva nezuva.

Musi wechipiri 8 Chikumi pavanhu gumi nemumwe vakawanikwa vaine
chirwere ichi mudunhu rose reMasvingo, vapfumbamwe vaiva vekuChiredzi
vaviri vari vemudhorobha reMasvingo.

Musi weChitatu 9 Chikumi, pavanhu gumi nevapfumbamwe vakabatwa neCovid-19 mudunhu rose, vese vaiva vekuChiredzi uye nezuro musi wa 10 Chikumi, vanhu vapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi vose ndeve kuChiredzi.

Mumwe mugari wemumusha weTsvovani, VaMalcom Mugodzwa, vanoti vave kutyira hupenyu hwavo.

Mumwewo mugari wemumusha wekwa Zava, VaTiyani Chauke, vanofunga kuti guta ravo riri pedyo nemazambuko ekuenda kunyika dze South Africa neMozambique uko vagari vanobira zvisiri pamutemo nekudaro vanogona
kuuya nechirwere ichi.

Izvi zvatsigirwawo naMuzvare Nyasha Sigauke vachiti ivo hurumende
inofanira kuona kuti vanochengetedza mitemo vapinda mumisha
yemudhorobah iri kuitirakuti vanhu vatevedzere zvisungo zvekuti chirwere
ichi chaisapararire.

Hurumende yati iri kushushikanawo nekukwira kuri kuita chirwere ichi
muChiredzi kunyange hazvo kusati kwave nemunhu arasikirwa nehupenyu.

Mukuru webasa mubazi rezvehutano muMasvingo, Dr Amedus Shamu, vanoti hurumende iri kuita tsvakurudzo yekuti ione kuti chi chiri kukonzera kukwira kwechirwere ichi muChiredzi.

Asi mutauriri wekomiti yeCovid-19 Task Force muMasvingo, VaRodgers Irimayi, vati kukwira uku kuri kukonzerwa nevanhu vari kubva kwakasiyana siyana vachinotsvaga mabasa ekukohwa nzimbe muminda yeTongaart Hullert nevamwe varimi.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika yese, uye vanhu makumi matanhatu nevana vakabatwa nechirwere ichi munyika.

Vanhu vabatwa nechirwere munyika yose vave zviuru makumi matatu
nezvipfumbamwe nemazana mana ane makumi mapfumbamwe nevatanhatu, 39 496.

Vanhu vafa nechirwere ichi vava chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi maviri nevatanhatu, 1 626.

Vanhu mazana mashanu nemakumi matatu nevaviri vakaibawa nhomba
yekutanga nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevabaiwa nhomba yekutanga pamazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe ezviuru nemazana mana nemakumi mashanu nevavviri 690 452.

Vanhu zviuru zvina nemazana mapfumbamwe nemamkumi mapfumbamwe nemumwe chete 4 991 vakabaiwa homba yepiri nezuro, izvo zvakasvitsa
vanhu vabaiwa nhomba yepiiri pa zviuru mazana matatu nemakumi mapfumambawe nezvipfumamwe nemakumi mashanu nevana, 399 054.

Zimbabwe inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, 60%,
zvevanhu vari munyika senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere
cheCovid-19.

Kunyange hazvo Zimbabwe iine chirongwa ichi, nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kubaya vanhu mamiriyoni gumi kuchanetsa sezvo vanhu vakawanda vari kutadza kubayiwa nhomba yekutanga munzvimbo dzakawanda, sezvo nhomba idzi dziri kushaikwa mumatunhu akawanda munyika.

Zvichakadaro, hurumende yeAmerica yazivisa kuti ichabatsira Zimbabwe nemari yekurwisa denda reCovid-19 inotangira pamamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora kusvika pazana nemakumi
mashanu emamiriyoni emadhora ekuAmerica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG