Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoda Kuti Zec Isamise Chirongwa Chayo Chekunyorersa Vanhu Kuvhota


Zanu PF Rally With Whites Zimbabwe Election
Zanu PF Rally With Whites Zimbabwe Election
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti haasi kufara nedanho rakatorwa neZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rekumbomisa chirongwa chekupinda muvahu kuitira kuti veruzhinji vakwanise kunyoresa kuvhota.

Masangano aya anoti haasi kufara sezvo ZEC yakazivisa kuti chirongwa chekupinda muvanhu, icho chaifanirwa kutanga musi wa 6 Zvita, chamiswa asi pasina zvikonzero zvakajeka zvakapihwa.

Masangano aya noti kumiswa kwechironga ichi kunotyora kodzero dzevagari munyika kunyanya vechidiki, dzekuti vanyorese mazita avo kuitirakuti vakazokwanisa kusarudza vatungamiriri vavanoda.

Mukuru webasa musangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti, vati vadzoserwa kumashure neZEC nebasa ravanga vari kuita rekupinda muvanhu vachikurudzira kuti vechidiki pamwe nevakuru vanyorese kuvhota kuitira kuti panenge poitwa sarudzo, vange vachikwanisa kuvhota.

Sangano rinoona nezvesarudzo rakazvimiririra reElection Resource Centre (ERC) munyika rashoropodzawo danho iri richiti izvi zvinokangansa
kuitwa kwesarudzo munyika zvakanaka nekuti veruzhinji vachatadza
kuwana kodzero yavo yekuvhota.

Mukuru webasa muERC, VaSolomon Bobosibunu, vati nyika yarasikirwa
nemukana wakakura nekuti chirongwa ichi change chaitwa nguva yakanaka yezororo mwedzi unouya apo vanhu vakawanda vanenge vasina kubatikana nenyaya dzemabasa.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZEC, Amai Joyce Kazembe, kuti tinzwe divi ravo nezvikonzero zvekumisa chirongwa ichi sezvo vange vasingadiri nharembozha yavo, uye havana kupindura mibvunzo yatavatumira.

Mukuru wemabasa muZEC, VaUtloile Silagwana, vati havakwanisi kutaura nesu pamusoro penyaya sezvo vasiri pabasa nhasi.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari recombined Harare Residents Association, Amai Lorraine Mupasiri Sani, vati kushaikwa kwezvikonzero zvekumisa chirongwa ichi zvinoita kuti vanhu vasavimbe neZEC zvinozoita kuti vaipomere mhosva yekusabata sarudzo zvakanaka.

Masangano mazhinji anoti ange atanga zvirongwa zvekupinda muvanhu
achivakuridzira kunyoresa kuvhota zvichitevera kubudiswa kwemashoko ne
ZEC ekuti sarudzo dzekutsviva vakadzingwa nemapato avo kana
vakashaya dzichaitwa muchikamu chekutanga chegore rinouya.

Hurumende yakamisa kuitwa kwesarudzo munyika ichiti yakatora danho iri senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu muZimbabwe vanosvika zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevapfumbamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG