Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoda Kuti VaMnangagwa Vasimbise Zviito Pane Kutaura


Zimbabwe's President Emmerson Mnangagwa attends the World Economic Forum (WEF) annual meeting in Davos, Switzerland, January 23, 2018. REUTERS/Denis Balibouse
Zimbabwe's President Emmerson Mnangagwa attends the World Economic Forum (WEF) annual meeting in Davos, Switzerland, January 23, 2018. REUTERS/Denis Balibouse

Kunyange hazvo zvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nechikwata chavo zvekukoka vekunze kuti vazosima mari dzavo muZimbabwe, pamwe nekugadzirisa hushamwari hweZimbabwe nedzimwe nyika kumusangano weWorld Economic Forum kuDavos, zviri kuyemurwa nemapato anopikisa nemasangano akazvimirira, vakawanda vanoti vanoda kuona VaMnangagwa vachigadzirisa zviri kunetsa munyika.

Asi mapato aya anoti VaMnangagwa vanofanirwa kugadzirisa zvinhu, mitemo yemabhizimisi pamwe neyesarudzo muZimbabwe nekukasika, kwete kungotaura chete.

Mumwe wevatevedzeri vebato guru rinopikisa munyika, reMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti kuvaka mazambuko nekuyanana nedzimwe nyika kwakanaka chose.

Asi VaChamisa vatiwo zvakakosha kuti VaMnangagwa vayananisane nevamwe vari mukati menyika nemubato ravo, uye kuti zvioneke munyika kuti vari kuunza runyararo.

VaChamisa vatiwo nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nemutemo wesarudzo dzinofanira kugadziriswa nekukasika.

Mutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwai, vaudza Studio7 kuti zvakanaka chose kuti VaMnangagwa vagadzirise hushamwari hweZimbabwe nedzimwe nyika.

Asi vati VaMnangagwa havafaniri kuperera mukutaura chete, asi kuti vaonekwe vachigadzirisa nyaya dzemhirizhonga munyika, kugadzirisa gakava riri kukonzerwa nenyaya yeGukurahundi.

Vatsinhirawo kuti kunyange hazvo VaMnangagwa vari kuvimbisa kuita sarudzo dzakachena, havawoni sezvichaitika sezvo vanhu vave kutoshungurudzwa nebato ravo reZanu PF.

Mukuru wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti zviri kuitwa naVaMnangagwa zvakanaka chose, asi vati chinhu chikuru chichaita kuti zvinhu zvinake munyika handikutaura, asi kuita sarudzo dzakachena.

Vari kuda kukwikwidza vakazvimirira muHarare Central, Muzvare, Linda Masarira, vanoti zviri kutaurwa nehurumende zvakasiyana chose nezviri kuitika munyika.

Vazhinji vatataura navo varatidza kusafara nenyaya yekuti mutungamiri wenyika haana kubuda pachena kana kukumbira ruregerero panyaya yeGukurahundi.

Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vakafa munguva yekusagdzikana kwakaitika mumatunhu eMatabeleland neMidlands mumakore ekuma 1980s.

VaMnangagwa, avo vanga vari kuDavos, vari kuenda kumusangano weAfrican Union uko vachaenderera mberi neshoko ravo rekuti Zimbabwe yazvipira kushanda nenyika dzepasi rese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG