Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kugara Vakazvichengetedza Munguva yeCovid-19


Dr Simbiso Ranga
Dr Simbiso Ranga

Vanhu makumi mashanu nemumwe chete vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevatanhatu, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vafa nechirwere ichi vava zviuru zvitatu nemazana masere nevashanu, uye vabatwa nechirwere ichi munyika yose, vava zviuru zana negumi nezvishanu, nemazana mana nemakumi mana nevashanu.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vakanga vava miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere negumi nezvinomwe nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nevasere, 1, 817,598 uye vabayiwa nhomba yepiri vakanga vava zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi matanmhatu nezvitanhatu nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevaviri, 966, 672.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo bazi rezvehutano richazivisa zvarawana muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 kuvanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, senzira yekumisa kupararira kwedenda iri.

Nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Simbiso Ranga, vanoti dambudziko reCovid-19 rava kuda mushandira pamwe kuitira kuti denda iri risarambe richienderera mberi.

Dr Ranga, avo vanova chiremba anoshandira mudunhu reNorth Carolina muAmerica, vanoti vanhu vanofanirwa kuchengetedza mitemo kuitira kuti vasabatwe nechirwere Covid-19.

Kunyange hazvo hurumende iri kuti iri kufara nechirongwa chekubaya vanhu nhomba, Dr Ranga vanoti hurumende inofanirwa kuita zvakawanda zvakaita sekubaya vanhu nhomba vakawanda pamwe nekuti nhomba idzi dziwanikwe nyore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG