Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanoti Havana Zvokudya paZororo reKisimusi


Zimbabwe Supermarkets Raise Food Prices After Import Duty Restoration

Ongororo yaitwa nenhepfenyuro yeStudio7 muHarare inoratidza kuti veruzhinji havana zvavari kunyanyotarisira musi wekisimusi sezvo vasina mari yekutenga zvinhu zvavanoda.

Mumwe mugari wemuHarare angoda kuzivikanwa nezita rekuti VaPablo vati pazvinhu zvavanga vachitarisira kutenga, vakwanisa kutenga zvinhu zvishoma sezvo mitengo yezvinhu yakakwidzwa zvakanyanya

Mugari wekuDzivarasekwa Extension, VaMehluleki Sibanda, vatiwo mitengo yezvinhu iri kudhura, nokudaro zuva.

Nepamusana [ekudhura kuri kuita zvinhu, Amai Melody Dube vati dai hurumende yaongorora vemabhizimusi vachiti kumwe kukwira kwaita mitengo havasi kukunzwisisa.

Mumwe mudzimai ane chitoro chinotengesa mbatya, Amai Priscilla Ndou, vati havasi kuwana vanhu vakawanda vari kutenga zvinhu zvavo munguva ino zvichienzaniswa nemamwe makore.

Asi mumwe anotengesa zvinhu mumigwagwa, VaTafadzwa Muzamanyo, vati michero yavo iri kutengwa zvakanaka uye vari kutarisa kisimusi yakanaka gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vati kukwira kwemitengo yemafuta edzimotokari pamwe nekushaikwa kwemari yekunze mumabhanga ndezvimwe zviri kukonzwerawo kukwira kwemitengo yezvinhu.

Mafuta ekubikisa marita maviri ari kutangira pamadhora mazana manomwe, ukuwo makirogiramu maviri eshuga achiita madhora mazana mashanu, huku inorema makirogiramu maviri ichitangirawo pamadhora chiuru nemazana maviri.

Nyanzi munyaya dzehupfumi dzinoti zvinhu zvichakanaka muZimbabwe, nguva ino vanhu vaiita chipatapata kunotenga zvinhu zvekushandisa pazororo rekisimusi negore idzva. Asi nekuoma kwaita zvinhu munyika munyaya dzehupfumi, vanhu vakawanda vava kutadza kutenga zvavanoda sezvo vasina mari yekushandisa pazororo rekisimusi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG