Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reMauto Vamwe Vachiti Mauto Ngaasapinde Munyaya dzeMatongerwo eNyika


Zimbabwean military turn their heads toward the new president as they parade at the inauguration ceremony of President Emmerson Mnangagwa in the capital Harare, Zimbabwe, Nov. 24, 2017.
Zimbabwean military turn their heads toward the new president as they parade at the inauguration ceremony of President Emmerson Mnangagwa in the capital Harare, Zimbabwe, Nov. 24, 2017.

Vamwe vagari vemudunhu reMashonaland West vanoti masoja anofanirwa kurangarirwa nebasa raakaita rekubvisa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro, asi vachiti zvakare mauto haafanirwe kupindira munyaya dzemapato ezvematongerwo enyika.

Vachitaura muChinhoyi pazuva rekupemberera zuva remauto, Muzvare Memory Tapfumaneyi, vati masoja akaita basa guru rekubvisa VaMugabe murunyararo.

Muzvare Tapfumaneyi vati masoja anofanirwa kuitirwa zvakanaka zvakaita sekuwaniswa dzimba dzekugara kwete kuroja mumarukisheni, kuwaniswa zvikwereti kumabhangi pamwe nekurerutsirwa mashandiro awo zvikuru kuwaniswa motokari dzekufambisa kuenda kubasa.

Izvi zvatsigirwa naVaCharles Feremu avo vatiwo masoja anofanirwa kuwaniswa dzimba dzawo kwete kugara mumarukisheni umo anorerutswa.

Asi mumwe mugari wemuChinhoyi, VaJohn Marava, vati kunyange vakapemberera kubviswa kwaVaMugabe nemauto sezvo vainge vatadza kubviswa nenzira dzejekerere, vati masoja haafanirwe kupindira munyaya dzezvemapato ezvematongerwo enyika.

Mumwe musoja asina kuda kudomwa zita rake ati kunze kwekudzivirira nyika kubva kumuvengi, masoja anovaka zvikoro nemakiriniki pamwe nekuyamura nyika kana yawirwa nematambudziko akaita semafashanu emvura.

Nguva yakare hupfumi hwenyika huchakanaka, masoja ainge akagara pamutambarakede, achipihwa zvekudya zvakaita senyama nebhinzi, achienda kumakiriniki awo ainge ayine mishonga yakakwana uye achifamba nemotokari dzemauto kwete zvaave kuita zvekukwira makombi achienda kubasa.

Zuva remauto racherechedzwa kekutanga mumakore makumi matatu nemasere VaMugabe vasiri mutungamiri wenyika zvichitevera kubviswa kwavakaitwa nemauto pachigaro muna Mbudzi gore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG