Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoshaya Votsvaka Mafuro Manyoro muBotswana


Zimbabwe Youths in Francistown, Botswana
Zimbabwe Youths in Francistown, Botswana

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvinoti zviri kutiza munyika iyi zvichienda kuBotswana nekuti kugara muZimbabwe kwakafanana nemunhu ari kurindira rufu.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Evelyn Katsenga, avo vanoruka musoro mudhorobha reFrancistown, vanoti nhamo nenzara ndizvo zviri kuvadzinga munyika.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Amai Melisa Moyo, vanoti vanotizira kuBotswana nokuti mafuro emunyika iyi achiri manyoro pane ekumusha.

Mumwewo anoita mabasa emaoko ari muBotswana, VaJohn Mamvura, vanoti cheuviri chavanovana mushure mekushanda muBotswana chiri nani pane kumusha.

VaChristopher Mutsindikwa vanotiwo vakasarudza kuuya muBotswana vasina magwaro nokuda kwekuti nguva yavanopihwa pamuganho mashoma.

Vanoti vakazvipira kugara vachiita hwakitsi nagonzo nemapurisa emuBotswana nokuda kwekuti mari yemunyika iyi ine simba pane yekumusha.

Munyori mubazi rinoona nezvekudzivirirwa kweBotswana, Muzvare Segakweng Tsiane, vakaudza komiti inoona nezvemashandisirwo emari munyika nguva pfupi yapfuura kuti huwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kupinda munyika iyi zvisina magwaro ekufambisa akakwana huri kuwedzera.

Muzvare Tsiane vakati zvizvarwa zveZinbabwe zvisina magwaro akakwana ekufambisa zvinosvika zviuru makumi mashanu memazana mashanu nemakumi matatu zvakapinda munyika iyi mumwedzi waGunyana chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG