Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votadza Kutenga Zvinhu Zvinovadzirira Kubva kuCoronavirus


CoronaVirus Masks Unaffordable

Veruzhinji vanoti havasi kukwanisa kutengazvinhu zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCoronavirus zvakaita sema mask nemagirovhosi apo vanenge vachiita mabasa akasiyana-siyana kwavanosangana neveruzhinji.

Ongororo yaitwa neStudio7 nhasi inoratidza kuti zvitoro zvemishonga zvishoma zvine ma mask aya zviri kuatengesa nemari iri pakati pemadhora mana nemadhora mashanu ekuAmerica, inova mari iri kunzi neveruzhinji havakwanisi kuiwana.

Mumwe mutengesi wemumugwagwa anotengesera panzvimbo yeFive Avenue, VaKudakwashe Chimuti, vati kunyange hazvo vachiziva kukosha kwekuzvidzivirira vari pabasa pavo, vati ma mask ari kudhura zvakanyanya. VaChimuti vati dai hurumende ikakwanisa kuwanisa veruzhinji zvekudzivirira izvi.

Vamwewo amai vasina kuda kudomwa nezita vanga vachitengesawo mumugwagwa nemwana achiri kumwa mukaka vaudza Studio 7 kuti nhamo ndiyo inovasunda kuti vaende kubasa nemwana mudiki munguva ino ine chirwere cheCoronavirus.

Vati vakagara kumba vanoshaya chekudya nevana vavo.

Mumwe mutyairi wematekisi, VaDyne Kagande, avo vanga vakapfeka mask, vaudza Studio 7 kuti vari kupihwa ma mask aya nekambani yavanoshandira sezvo vachishanda nevanhu vakawanda vakasiyana-siyana.

Studio7 yasangana naMuzvare Takudzwa Mpofu, avo vanga vachitenga mask vati vakatyamadzwa nemutengo wemadhora mana ekuAmerica. Vakurudzirawo hurumende kuti iwanise zvekudzivirira izvi pachena.

Izvi zvatsigirwawo naMuzvare Tariro Mpofu avo vati zvakakosha kuti zvekushandisa pakuzvidzivirira zvitengeswe nemutengo wepasi kana kupiwa pachena.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnnangagwa, vakakurudzira vanotengesa zvinodiwa pakudzivirira chirwere cheCoronavirus kuti vatengese nemitengo yepasi.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuti pane hurongwa here hwekuona kuti zvekudzivirira chirwere cheCoronavirus zvichawaniswa here nehurumende sezvo gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vanga vasiri kudavira nharembozha yavo.

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vati vanga vasingakwanisi kutaura nezvenyaya iyi sezvo zvine chekuita nehurongwa hwehurumende vakati VaMoyo ndivo vanokwanisa kutaura panyaya iyi.

Chirwere cheCoronavirus chinonzi chakabata vanhu vaviri chete munyika asi mumwe wacho, Zororo Makamba, akashaya neMuvhuro.

Chirwere ichi chauraya vanhu vanopfuura zviuru gumi nezvitanhatu pasi rese huye vanhu vanovavarira kusvika zviuru mazana mana vabatwa nechirwere ichi, icho chakatanga kuChina gore rapera.

Italy ndiyo ine vanhu vakawandisa vafa, avo vanodaruka zviuru zvitanhatu, ichiteverwa neChina, iyo ine vanhu zviuru zvitatu nemazana maviri ane makumi manomwe nevanomwe vatorerwa hupenyu hwavo nechirwere ichi.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG