Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana muHarare zvichikurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasiye basa.
Vanhu ava vabva kumaguta akasiyana siyana zvichitevera kurudziro yakaitwa nevaimbove varwiri verusununguko avo vakaudza veruzhinji kuti vapinde mumusangano uyu.
Vanhu vakawanda vatenda zvikuru zvakaitwa nemauto ayo akatora masimba enyika musi weChipiri manheru achiti ari kuda kuti nhubu dziri muhurumende dzisungwe.
Mauto anonzi akatiwo VaMugabe vasiye basa sezvo vatadza kugadzirisa nyaya dzehuori hwatekeshera munyika.
Vanhu vataura pamusangano waitirwa kuZimbabwe Grounds vanosanganisira munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, mutungamiri weNational People's Party, Amai Joice Mujuru, Mufundisi Evan Mawarire, pamwe gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamsa.
VaChinamasa vataura vakamirira Zanu PF vakati nguva yakwana yekuti VaMugabe vasiye basa. Vatiwo mudzimai wwmutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanofanirwa kuferefetwa nyaya dzehuori dzavari kupomerwa.
Nemusi weSvondo Zanu PF iri kuita musangano wayo weCentral Committe uyo uchabuda nechisungo chekuti VaMugabe vadzorwe kubato sezvo Zanu PF yakabuda nechisungo chekuti vabviswe pamatomu.
Kana Central Committe ikabuda nechisungo ichi, Zanu PF inenge yotarisirwa kuudza paramende zviri pamutemo.
Mushure mezvo paramende inoudza Zanu PF kuti idome munhu wainoda kuti atungamire bato muhurumende.
Facebook Forum