Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakachengetedzwa kuBulawayo Vachiongororwa Covid-19 Vanoti Hurumende Iri Kuvabata neKuseri kweRuoko


VaNick Mangwana.
VaNick Mangwana.

Vamwe vevanhu vakachengetedzwa nehurumende kuBulawayo vachiongororwa kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete, vanoti havasi kufara kuti vari kuramba vakaiswa mu quarantine iwo mazuva avo anobvumirwa nemutemo kunge vakachengetedzwa, akapera.

Vanhu vataura neStudio7 vanoti vava nemazuva makumi maviri nematatu vari mu quarantine, asi hurumende haisi kuvaudza kuti vachanzi vaende kudzimba dzavo riini.

Vanhu ava vanotiwo vari kushungurudzwa nemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

MuBulawayo munonzi mune vanhu vari kugara paBulawayo Polytechnic, nepaUnited College of Education vakabva kuBotswana mushure mekunge nyika iyi yadzosera zvizvarwa zveZimbabwe kumusha kwazvo pakatanga kunetsa chirwere cheCovid-19.

Vamwe vevanhu ava vanoti vakamanikidzwa kubuda muBotswana, vamwe vakasiya midziyo yavo.

Pavakabviswa kuBotswana, vanhu ava vakatanga vambogariswa paPlumtree High School, uye vanonzi vaisvika zana nemakumi mashanu nevatanhatu.

Asi vakazoendeswa kuBulawayo senzira yekudzikisa kumanikidzana kwavanga vakaita kuPlumtree.

Mumwe wevanhu vakabva ku Botswana vachiita zvekumanikidzwa musi wa 7 Kubvumbi, uyo asina kuda kudomwa nezita rake, anoti hurumende iri kuvabata nekuseri kweruoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, vati hurumende yakamirira kuona zvakabuda muongororo yekuti vanhu ava vane chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete.

VaMangwana vatiwo vanhu ava vanotarisirwa kuenda kumisha yavo munguva pfupi inotevera kana zvakabuda muongororo zvichiratifdza kuti havana hutachiwona hweCoronavirus.

Zimbabwe yava nevanhu makumi mana vabatwa nechirwere cheCovid-19, uye vanhu vana, vakatoshaya nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG