Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vosarudza Kutambura Vari muBotswana Pane Kudzoswa kuZimbabwe


Zimbabwe Youths in Francistown, Botswana
Zimbabwe Youths in Francistown, Botswana

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinogara muBotswana zvinoti hazvidi kudzoserwa kumusha nepamusana pekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuZimbabwe zvichienzaniswa nehuoenyu huri muBotswana.

Kunyange hazvo vanhu vakanga vanyoresa kuti vadzokserwe kumusha pachishandiswa mabhazi emuBotswana, vanhu ava vava kudududza pazvibvumirano zvavakanga vaita.

Vazhinji vavo vanoti kuZimbabwe hakuna kumira zvakanaka, nokudaro zviri nani kuti varambe zvavo vari muBotswana vachishupika vari munyika iyi.

Muzvare Excellent Mombeshora, avo vakanga vanyoresa zita ravo kuti vadzoserwe kumusha, vanoti vashandura mafungiro avo mushure mekuona kuti zviri nani kutambudzika vari muBotswana pane kuendeswa kuZimbabwe.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudhorobha reFrancistown, VaOscar Tendende, vanoti hurumende yeBotswana iri kutora matanho akasimba mukudzivirira kupararira kweCOVID-19 munyika iyi kana zvichienzaniswa nezviri kuitika munyika, izvo vanoti vanoona hupentyu hwavo hwakachengetedzeka zvakanaka muBotswana pane kuti vaendeswe kuZimbabwe.

Asi Muzvare Paidamoyo Zenda, avo vakadzoserwa kumusha kuburikidza nechirongwa chakaparurwa nevemuzinda weZimbabwe muBotswana vakabatana nehurumende yeBotswana, vanoti vakarongedza twavo mushure mekutemwa nemusoro usinganzwisisike.

Mugwaro ravakanyorera hurumende svondo rakapera, mumiriri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Mukonoweshuro, vakazivisa kuti kune zvizvarwa zveZimbabwe mazana mashanu zvanga zvakatarisirwa kudzoserwa kumusha kuburikidza nerubatsiro rwemabhazi kubva kuhurumende yeBotswana.

Asi gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, Amai Unity Dow, vaudza Studio7 kuti zvizvarwa zveZimbabwe makumi mapfumbamwe nemumwe chete ndizvo chete zvakadzorerwa kumusha kubva pakatanga hurongwa uhu.

Asi mashoko aya anopesana nehuwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvakadzikwa munyika iyi hwakaziviswa nemasangano akasiyana siyana.

Hurumende yakamboti paPlumtree paiva nevanhu bvanodarika mazana maviri vakabva kuBotswana vaiongororwa chirwere cheCovid-19 vasati vabvumidzwa kuenda kumisha yavo.

Asi vamwe vakataura neStudio7 svondo rapera vakati paPlumtree paive nevanhu vanodarika mazana mana.

Nyanzwi munyaya dzetsika nemagariro evanhu uye vachidzidzisa paGaborone University College of Law and Proffessional Studies, VaCharles Kungwengwe, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuramba kudzokera kumusha nokuda kwemamiriro ehupfumi ayo akaitamanyama amire nerongo munyika.

Asi VaKungwengwe vanoti kune vamwe vari kudzokera kumusha vachirwara sezvo vachiona zviri nani kuti vafire kumusha pane kufira kunze kwenyika kusina hama.

Zvichakadaro, hutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reBotswana hunoti hwave kushanda nemasangano akazvimirira ega muBotswana mukubatsira zvizvarwa zveZimbabwe nezvekudya panguva yakaoma iyi.

Munyori wezvekurongwa kwemisangano mudunhu iri, VaElliot Mavhoko, vaudza Studio7 kuti chirongwa chavo chakaparurwa mushure mekuona kuti vazhinji havana pekunotangira kumusha.

Botswana yakadzika mutemo weEmergency COVID-19 Amendment Number 2 Regulations of 2020 uyo unorambidza vanhu kubuda mudzimba kwemwedzi mitanhatu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCOVID-19 icho chabata vanhu makumi maviri nevaviri, uye kuuraya munhu mumwe chete munyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG