Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanonamatirwa kuMasvingo


Vatsigiri veMDC intotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nemapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance, uye vemachechi, vaungana paMasvingo Civic Center vachinamatira VaTsvangirai avo vari kurwara nechirwere chegomarara.

Vachitaura pamunamato uyu, sachigaro we MDC muMasvingo, VaMuranganwa Chanyau, vati zvavaisa mutungamiriri wavo mumaoko amwari, vanotarisira kuti havakundikani pakupora.

Mumwewo mukuru mukuru muMDC-T, Amai Agnes Hlanga, vati hakuna kwavanokwanisa kuenda kunotsvaga ruponeso rwemutungamiri wavo kunze kwekuita musangano wekuvanamatira kuna nyadenga.

Sachigaro we MDCT Veterans Activists Association, VaTachiona Chiminya, vati vanovimba kuti minamato yavo ichanzwikwa naMwari kuitira kuti VaTsvangirai vopore, vopedzisa basa ravakatanga rekuponesa vana ve Zimbabwe kubva muhutongi hwe Zanu PF.

Passtor Phillip Mugabe veShekaianh Devine Ministries vaparidzira vanhu vachiti vasaore moyo nekuti mwari hapana chavanokonewa ndosaka vauya kuzonamatira VaTsvangirai.

VaChiminya vati vafara zvikuru nehuwandu hwevanhu vauya kuzonamatira VaTsvangirai vachiti zvinoratidza kuti murume uyu munhu wevanhu uye ruzhinji rwunotarisira kwaari kuti vasunungurwe mune zvematongerwe enyika uye mukurarama.

Svondo rapfuura VaTsvangirai vakaitirwa mumwe munamato ku Mashonaland West.

Pari zvino VaTsvangirai vari kurapwa vari kuSouth Africa, uye vari kutarisirwa kudzoka munyika chero nguva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG