Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vonamatira Nyika Kuti Isaite Mhirizhonga Munguva yeSarudzo


Prayer Mountain

Vanhu vanodarika mazana matatu vaungana neChitatu muBorrowdale pachirongwa chekunamatira nyika kuti ive nesarudzo dzisina mhirizhonga.

Munamato wakadai uchange uchiitwa kamwe chete pasvondo rega rega nemusi weChitatu.

Vanhu ava vaungana panzvimbo yokunamatira inonzi Mt Zion Prayer Mountain iri kuBorrowdale muHarare vachinamatira nyika kuti isave nemhirizhonga munguva yesarudzo.

Mumwe wevanhu vanga vari pamunamato uyu, Va Adelo Nyabanga, avo vanoshanda nesangano reDaily Bread International Ministries, vanoti chinangwa cheminamato yavo ndechekuti Zimbabwe ive nerunyararao sezvakaitika panguva yakaratidzira vanhu zvakazoita kuti vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabve pachigaro.

VaNyabanga vanoti pagomo apa pari kuuya vanhu vanobva kumativi mana enyika vamirira makerekeke akasiyana siyana, chinangwa chiri chokunamatira runyararo muZimbabwe.

Amai Anna Gomo vanotiwo chinangwa chikuru chemunamato wemusi weChitatu ndechekuedza kupodza marwadzo ari muvanhu vemuZimbabwe, ayo akakonzerwa nemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Nzvimbo inonamatirwa iyi, yaimbozivikanwa se 113 Prayer Mountain, asi zita rakazochinjwa gore rapera kuita Mt Zion Prayer Mountain.

Asi vanhu vakatanga kunamatira panzvimbo iyi mugore 2009, zvokuti yave nzvimbo inogara yakazara nevanhu vanobva kuAmerica, Mozambique, Malawi nedzimwe nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG