Accessibility links

Breaking News

Gore Idzva ra2021 Rinosvika Risina Mutsindo Wakanyanya muZimbabwe


(Photo by Armend NIMANI)

Vanhu vakawanda vanoti vacherechedza zuva regore idzva vari mudzimba dzavo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che Covid-19.

Mumwe mugari wemuHarare, VaVictor Ndlovu, vati makore ese vanosimboenda kumusha kuzororo regore dzva, asi rwendo rwuno vatamba zuva ranhasi vari pamba pavo vachiremekedza zvakataurwa nemapurisa kuti vanhu vasaungane.

VaNdlovu vati gore rino vanotenda Mwari zvakanyanya nekusabatwa nechirwere cheCovid-19 kusvika pari zvino.

VaNdlovu vatiwo pamusoro peCovid-19, gore rapera mari yanga iri shoma sezvo vakavhiringwa panyaya dzemabasa nekuda kwedenda iri.

Mumwe Mugari wemuHarare, Muzvare Michelle Chimwemwe, vati munguva ino vaisiwanzoenda kunzvimbo dzinotandarirwa vachicherechedza zuva regore dzva, asi rwendo rwuno Havana kuita izvi nekuda kwechirwere cheCovid 19.

Mumwe mudzaimai anorarama nekutengesa zvinhu kuMufakose, Amai Franscica Sekenhamo, vatiwo nhasi bhizimusi ranga rakaderera zvichienzaniswa nemamwe makore sezvo panga paine vanhu vashoma vanga vachifamba.

Amai Sekenhamo vatiwo vachiri kuda kuona kuti zvinhu zvichange zvichifamba sei gore rino.

Vamwe vagari vemuHarare vaudzawo Studio 7 kuti gore rino ruzha rwunosiitika panosvika gore idzva rwanga rakaderera zvakanyanya.

Asi mudzimwe nzvimbo dzemafaro, kunyanya kumusha weMbare, zvinonzi vanhu vakaungana zvakanyanya madeko zvisinei nekukwira kuri kuita chirwere cheCovid-19.

Mapurisa akarambidzavanhu kupinda mumigwagwa vachiita ruzha nedzimotokari, kurova mabhini kana kuputisa mafire crackers pamwe nekuita magungano edzisvondo.

Studio 7 haina kunzwa kumutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe kana paine vanhu vakasungwa munyika mushure mekutyora zvakatarwa nemapurisa nezuro sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG