Makurukota ehurumende osangana nemasangano anomirira vashandi vehurumende kuti vazeye nyaya dzemari yemihoro.
Amai Hillary Clinton vari kumirira bato remaDemocrats musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica voshora wavari kukwikwidzana navo musarudzo VaDonald Trump vemaRepublicans vachiti vanoda kungodhinda mari zvakapa kuti Zimbabwe neGermany dziyende kumawere.
Mhirizhonga inonzi iri kuenderera mberi kuPretoria zvizvarwa zveZimbabwe zvichibirwa nekupwanyirwa zvitoro.
Sangano reNational Transitional Justice rinoti vanhu vanofanira kuramba vachipa pfungwa dzavo kunyangwe bhiri rekupodza maronda nekuregererena rakambonzi rimire kuzeyiwa
Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nezvekushomeka kwemari munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave