Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa Zviri Kunze Zvowana Mukana weKupinda Muchirongwa Chinorerutsa Zvinhu Munguva yeKushaikirwa


Vanhu vakawanda vanonzi havadi kutaura kana kuronga nezverufu rwavo, izvo zvinonzi nevamwe zvinosiira vasara mutoro wekuzovachengetedza.
Vanhu vakawanda vanonzi havadi kutaura kana kuronga nezverufu rwavo, izvo zvinonzi nevamwe zvinosiira vasara mutoro wekuzovachengetedza.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukupera kwesvondo zvakave nemukana wekunzwisisa pamusoro pechirongwa chekuvigana kana munhu achinge ashaya, cheSahwira International Plan chiri pasi peNyaradzo Life Assuarance Company.

Mukana uyu wakavepo kuburikidza nemusangano wakaitwa padandemutande reZoom nevari kumirira kambani iyi kunze kwenyika, vekambani yeMKI, iri pasi pezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica.

Mumwe mukuru wekambani yeMKI, VaEsau Mavindidze, vanoti vanhu vanodarika zana vakakwanisa kupinda mumusangano wavo uyu vachibvunzawo mibvunzo yakakosha zvikuru pamusoro pechirongwa ichi, icho chakanangana nekurerutsira vari kunze munguva yekushaikirwa.

VaMavindize vanoti chirongwa cheSahwira International Plan ichi chinorerutsa ndima zvikuru kana mufi achida kuendeswa kunoradzikwa kumusha.

Vanoti munguva zhinji hama neshamwari dzemufi vanozopinda mudambudziko rekuunganidza mari kuti vakwanise kuzadzisa zvido zvemufi zvekunoradzikwa kwaakasarudza achiri mupenyu.

VaMavindize vanoti musangano wavo wavakaita uyu wakaratidza kuti vanhu vave kutarisira kuchirongwa ichi, uye vave kusununguka kutaura nezveremangwana ravo kana vachinge vazosiya pasi rino, izvo zvagara zvichionekwa nevamwe sechinhu chisingataurike nezvacho nguva zhinji.

Hurukuro naVaEsau Mavindidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG