Accessibility links

Breaking News

Vakanyorera Magwaro eZEP muSouth Africa South Vokuridzirwa Kunotarisa Magwaro Aya


Zvizvarwa zveZimbabwe zvichinyora mapepa ekuti vagare muSouth Africa zviripamutemo.

Sangano reZimbabwe Exiles Forum rinoti riri kugamuchira mashoko ekuti zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvakange zvaenda kumusha zvakamirira magwaro azvo zvakazopiwa mazuva mashomanana ekugara muSouth Africa pavakadzoka.

Vanoona nezvekurongwa kwezvinhu musangano reZimbabwe Exiles Forum, Amai Diana Zimbudzana, vanoti vanhu vasadzokere kumusha kana mazuva avo apera, asi kuenda kunobvunza pamire magwaro avo.

Amai Zimbudzana vanoti gore rino, bazi rezvinoitika muSouth Africa rakabudisa magwaro anoita makumi mana ezviuru ezvizvarwa zveZimbabwe.

Vanotizve vanhu vaende kunotarisa kana magwaro avo akauya kumahofisi aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG