Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSeshego, Polokwane, Mankweng, neWesternburg mudunhu reLimpopo muSouth Africa zvinoti zvave kugara zvakabatira ura mumaoko zvichityira kurwiswa nevagari vemunzvimbo idzi mushure mekusungwa kwechizvarwa cheZimbabwe chichipomerwa mhosva yekuponda madzimai manomwe gore rino.
Murume wekuZimbabwe, Themba Prince Willards Dube, uyo ane makore makumi matatu nematanhatu ekuberekwa, akamiswa pamberi pedare neMuvhuro svondo rino achipomerwa mhosva yekuba, kubata chibharo pamwe nekuponda madzimai angangosvika manomwe ayo anonzi aikwezva achivanyepera kuti anovawanisa mabasa.
Dube akasungwa mushure mekuwanikwa aine nharembozha yaifungidzirwa kuti akaba, izvo zvakazosvitsa pakubvundunyurwa kwenyaya yekuponda iyi.
Studio 7 yakundikana kubata mapurisa emuSouth Africa kuti tinzwe zvizhinji nezvenyaya iyi.
Asi mutauriri wesangano reZimbabwe Human Rights Organisation muSouth Africa, VaAzaria Dube, vanoti kunyange hazvo pasati pave nemunhu ati arwiswa zvichitevera chiitiko ichi, zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zviri mudunhu iri zvakatoyamirwa kuti zvicharwiswa.
Facebook Forum