Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa Zvonetseka neMapepa.


Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa zviri kuchema nenyaya yekuti zviri kunyimwa magwaro eZEP zvichinzi zvakapara dzimhosva.
Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa zviri kuchema nenyaya yekuti zviri kunyimwa magwaro eZEP zvichinzi zvakapara dzimhosva.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinodarika zviuru gumi zvinonzi zviri kunyimwa mukana wekumutsiridza magwaro anozvibvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo, eZimbabwe Exemption Permit, ZEP, zvichinzi zvakapara dzimhosva.

Izvi zvinonzi zviri kubuda panenge paenda vanhu ava kuma fingerprints kuti vaonekwe kana vasina kumbopara dzimhosva vari munyika iyi, izvo zvinonzi zvinobva zvaita kuti magwaro avo ekuforera mapemiti aya araswe ipapo, vamwe vachibva vasungwa.

Sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muSouth Africa, reZimbawe Exiles Forum, rinoti riri kuedza kutaura nemuzinda weZimbabwe munyika iyi, pamwe chete nevakuru-vakuru mubazi rezvemukati menyika muSouth Africa, nezvenyaya iyi.

Sangano iri rinoti riri kuedza kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvasungwa zvisanyimwa mukana wekuwana magwaro ekugara munyika iyi, kusvika zvamiswa pamberi pematare edzimhosva.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZimbabwe Exiles Forum, VaTino Mambeu, vanoti nyaya iyi ndiyo yavekunetsa nekukanganisa zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa.

“Hatigutsikani nemafambisirwo ari kuitwa nyaya yemapepa. Kune zvizvarwa zvekwedu zvakawanda zvakapiwa mapepa aya asi, zvichizonetseka .

"Vamwe vanenge vachingopindawo pavanenge vapinda mozonzwa kuti munhu wasungwa asi pasina mhosva; munhu obva atorwa kuenda kumatare edzimhosva. Uchiri kumatare edzimhosva ikoko, unotorwa ma fingerprints,” VaMambeu vanodaro.

Vakapamidzira vachiti kana munhu atorwa mafingerprints bazi rezvinoitika mukati menyika muSouth Africa rinotora izvi semunhu atove nemhosva robva ranyima munhu uyu mapepa richiti ma fingerprints ake haana kubuda zvakanaka.

Svondo rino bazi rezvemukati menyika muSouth Africa reDepartment of Home Affairs, rakakurudzira vemabhanga, vashandirwi pamwe nemamwe mapoka kuti varambe vachi batsira zvizvarwa zveZimbabwe pazvinenge zvakamirira magwaro eZEP, mushure mekupera kushanda kwemagwaro eZimbabwe Special Permits musi wa 31 Zvita 2017.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG