Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri Kunze Kwenyika Zvotumira Chikafu Kumusha


Chikafu chave kushaika uye chave kudhura

Apo pasi rose rakacherechedza zuva reWorld Food Day nezuro, zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda kunze kwenyika zvinoti zviri kushanda nesimba kuitira kuti zvibatsire vari kumusha nechikafu chiri kunetsa kuwana kuZimbabwe.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muBotswana nedzimwe nyika zviri kutenga chikafu pamwe nekutumira mari kumusha kuitira kuti hama neshamwari dziwane chikafu, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

VaCosta Zimhunga, avo vanotyaira mubhazi anofamba pakati peGaborone neKasane muBotswana, vanoti kukwira kwemitengo pamwe nekuoma kwezvinhu munyaya dzehupfumi, kuri kukonzera kuti vanhu vakawanda vashaye chikafu.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTafadzwa Makamudze, vanoti kusamira zvakanaka kwezvinhu kwava kuita kuti vagare vakatumira chikafu kumusha.

Mumwe mudzidzi paUniversity of Botswana, Muzvare Memory Musavengane, vanoti vari kubatanidza zvechikoro nekushanda kuitira kuti vakwanise kubatsira vabereki vavo kumusha.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, VaRobson Muroiwa, vanoti nzara yapfunya chisero munyika inoda kuti munhu asunge dzichisimba pakuriritira mhuri yake.

Mwedzi wakapera, sangano reWorld Food Program rakati vanhu vanodarika miriyoni imwe chete vakatarisana nedambudziko renzara muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG