Accessibility links

Breaking News

Nhamo Yoita Kuti Vakawanda Vasapemberere Kusvika kweGore Idzva, Asi Vamwe Vachishanyira Chinhoyi Caves


Chinhoyi Caves 1

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti vaswera vari kumabasa avo semazuva ose, asi vamwe vavo vanoti vakwanisa kushanyira mapako emuChinhoyi.

Mumwe wevanhu vaswera vari pabasa nhasi, ndiAmai Benihilda Katsande, avo vanoita basa rekutengesa zvekudya.

Amai Katsande vati nhamo yekushaya mari yevana vechikoro ndiyo yaita kuti vasazorore nhasi.

Amai Katsande vati havaone gore rino riine tarisiro yakanaka sezvo mvura isiri kunaya zvakanaka.

Izvi zvatsigirwa nemumwe mugari anga achishanda nhasi, VaTanaka Mucheri, avo vati vakasashanda mhuri yavo inofa nenzara.

Kunyange vakawanda vanga vari kumabasa, kune vamwe vakwanisawo kuenda kunoona mapako emuChinhoyi vachifara nemhuri dzavo.

VaAgape Chiyangwa, avo vanga vachifara nemhuri yavo kusanganisira Baba naAmai vavo, vati kunyange zvinhu zvakaoma vechidiki vanofanirwa kushanda nepavanokwanisa kuzviriritira kunozivikanwa nevakawanda kuti kungwavhangwavha.

VaChiyangwa vati vechidiki vanofanirwa kuziva kuti zvematongerwo enyika hazvibhadhare sezvo vakuru vezvematongerwo enyika vanenge vachida kuzadza matumbu avo.

Kunyange mapurisa akazivisa kuti vanhu vasapembere kusvika kwegore idzva nekuputitsa maFire Crackers vanhu vakawanda havana kuteerera kurudziro iyo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG