Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vari muBotswana Votadza Kuenda kuKisimusi kuZimbabwe


Botswana

Vanhu vakawanda vanogara nekushanda muBotswana vanoti vakakundikana kuenda kunoonana nehama neshamwari kumusha panguva ino yezororo rekirisimusi nokuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu.

Ongororo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvaswera zviri muguta reFrancistown, muBotswana zvichitsvaga zvingavararamisa semazuva ose.

Mumwe wevanhu ava, Amai Cynthia Muzanenhamo, vaudza Studio7 kuti vaona zviri nani kuti vatumire zvekudya nezvipfeko kuvana vavo kuGokwe pane kuti vaende kumusha vosvika vakarembedza maoko.

Muzvare Christinah Mashorokoto, avo vanorarama nekuruka vanhu musoro mudhorobha reFrancistown, vanoti chavakagona chete kutumira chikafu nezvipfeko kuvabereki vavo kumusha.

VaTafiranyika Usavi, avo vanotungamira kereke yeJehovah’s Tabernacle, vanoti gore ra2018 ranga risina kumira zvakanaka kuruzhinji munyaya dzekubata mari.

Vanhu vakawanda vari kupinda muBotswana zvisiri pamutemo nechinangwa chekunotsvaga mafuro manyoro sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG