Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Voramba Vachiungana Munzvimbo dzeHurumende Dziri Kubayiwa Vanhu Nhomba


Mufakose Vaccination Clinic
Mufakose Vaccination Clinic

Vanhu vakawanda vari kuramba vachienda kunobaiwa nhomba yeCovid-19 muzvipatara nemakirinika ehurumende nemakanzuru uko vanobaiwa pachena zvichienzaniswa nekune zvimwe zvipatara uko vanobhadhariswa mari kuti vabaiwe.

Vakawanda vatataura nawo vati havana mari dzinodiwa nezvipatara nemakirinika akazvimirira kuti vabaiwe ndosaka vari kuswera mumitsetse kumakirinika ekanzuru kana zvipatara zvehurumende.

Mumwe wevanhu ava, VaChamunorwa Chiwanza, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo vakabaiwa nhomba yekutanga zvave kutora nguva yakareba kuti vabaiwe yepiri nekuda kwekuwanda kuri kuita vanhu.

VaJohnson Chirwa vanoti vaitarisira kuti mitsetse ichaita mipfupi apo pakavandudzwa chirongwa chekuti chiitwe nezvipatara zvakazvimirira asi vanoti vanhu vari kutoramba vachiwanda kumakirinika ekanzuru.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vaudza Studio 7 kuti huwandu hwevanhu vari kubaiwa mumakaririnika avo huri kukwira mazuva ose zvekuti mamwe makirinika avo ari kutobaya vanhu vanodarika zana pazuva kubva pavanhu makumi maviri pakatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba.

Vati kanzuru yavo ine chinangwa chekubaya vanhu miriyoni nezana rezviuru zvevanhu pamamiriyoni gumi evanhu ari kuda kubaiwa nehurumende kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

Mutauriri wechipatara cheParirenyatwa, VaLinos Dhire, vati chipatara chavo chiri kubaya vanhu vanodarika chiuru pazuva uye havasati vaona musiyano kubvira pakavandudzwa chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19.

Mutungamiri wesangani rinomirira machiremba anoshanda akazvimirira, Dr Johannes Marisa, vati ichokwdi kuti vanobhadharisa vanhu mari iyo vati inoshandiswa kubhadhara vakoti vanobaya vanhu pamwe nekubhadharwa vanorasa zvinoshandiswa pakubaya vanhu.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti Covid-19 yakabata vanhu mazana mana nevashanu uye ikauraya makumi matatu nemumwe chete nezuro wakare.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi vava zviuru zana negumi nezvinomwe nemazana maviri nemakumi mashanu nevasere (117 258), uye vafa nechirwere ichi vava zviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, (3 950).

Vanhu zviuru gumi nezvishanu nezana nemakumi manomwe nevasere (15178) vakabaiwa nhomba yekutanga izvo zvakazvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga munyika yese pamiriyoni nezvuru mazana mapfumbabwe negumi nezviviri nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nevaviri (1 912 592).

Vanhu zvuru gumi nezvitanhatu nemazana masere nemakumi makumi manomwe nevatatu (16 873) vakabaiwa nhomba yepiri nezuro izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yepiri pamiriyoni nezvuru makumi matanhatu nechimwe nemazana maviri nemakumi matatu nevasere (1 061 238).

Zimbabwe iri kushandisa nhomba shanu dzinoti Sinopharm, Sinovac, Sputinik, Covaxin neJohnson and Johnson, uye inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vese munyika senzira yekuti denda reCovid-19 risarambe richipararira munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG