Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Chamurambamhuru Vachienda Kunobayiwa Nhomba yeCovid-19


Zinbabweans wait in a long line to be vaccinated
Zinbabweans wait in a long line to be vaccinated

Zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere cheCovid-19, vanhu vakawanda munyika vava kuita chamurambamhuru vachienda kunzvimbo dziri kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.

Vanhu vakawanda vari kuenda munzvimbo dziri kuwanikwa nhomba vachida kubayiwa nhomba yekutanga izvo zviri kupa kuti munzvimbo idzi muve nemitsetse mirefu.

Mumwe mudzimai anga ari mumutsetse pachipatara cheParirenyatwa, Amai Tsungai Ndonga, vati kuenderera mberi kwechirwere cheCovid-19 ndokwavasunda kuti vatsvake nhomba vasati vabatwa nechirwere ichi.

Mumwe mukweguri angoda kuzivikanwa nezita rekuti VaBernard vatiwo semunhu akura, vakanzwisisa kuti kana vakabatwa nechirwere ichi vabayiwa nhomba vanogona kudzivirira kurasikirwa nehupenyu kana marwadzo akanyanya.

Asi VaKnowledge Chakabawo, avo vanoita basa rekutengesa nyama muHarare, vatiwo kubayiwa nhomba ndiyo chete nzira inoita kuti varambe vachiita basa ravo rekutendesa nyama sezvo vachisangana nevanhu vakawanda pazuva rega rega.

Vachitambira mamiriyoni maviri enhomba yeSinovac nezuro, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Va John Mangwiro, vakati hurumende iri kufara nehuwandu hwevanhu vave kutsvaka nhomba. VaMangwiro vakatiwo pavakatenderera kunzvimbo dzakasiyana siyana munyika, vaiona mitsetse mirefu yevanhu vaida kubaiwa mhomba.

Nyanzvi munyaya dzehutano, Amai Mucha Mukamuri, vati vanhu vava kumhanyira kunobayiwa nhomba sezvo vari kuona vanhu vakawanda vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere.

Bazi rezvehutano rakazivisanezuro kuti vanhu makumi mashanu nevatanhatu(56) vakafa nechirwere cheCovid-19izvo zvakasvitsa vanhu huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pazviuru zviviri nemakumi maviri nevapfumbamwe 2, 029.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru makumi matanhatu nezviviri nemazana matatu nemakumi masere nevatatu, 62,383, zvichitevera kubatwa kwevanhu zviuru zviviri nezana nemakumi mashanu nevatanhatu, 2,156, nezuro wakare.

Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga yeCovid-19 vakange vave zviuru mazana masere nemakumi mananezvisere nemazana masere nevasere, 848,808.

Vanhu vabaiwa nhomba dzose dziri mbiri vave zviuru mazana mashanu ane makumi masere nezvinanemazana manomwe nemakumi manomwe, 584, 770.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhuta kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG