Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopesana Maonero Avo Kushanda Kuri Kuita VaMnangagwa


Mutungamiri Wenyika VaEmmerson Mnangagwao Vanovhura Zviri Pamutemo Musangano Wepagore Webato Ravo
Mutungamiri Wenyika VaEmmerson Mnangagwao Vanovhura Zviri Pamutemo Musangano Wepagore Webato Ravo

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakatora masimba mushure mekunge mauto apidigura hurumende yemushakabvu, VaRobert Mugabe, vasvitsa makore mana nhasi vari muhofisi paine muonero akasiyana maererano nemashandiro avari kuita pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Vachitaura apo vakagadzwa pamberi pemhomho yevanhu munhandare yeNational Sports Stadium, VaMnangagwa vakavimbisa kubatanidza nyika, kuita hutongi hwejekerere, kumutsiridza hupfumi kuitira kuti vanhu vagare zvakanaka. VaMnangagwa vakavimbisawo kuve mutungamiriri wemunhu wese zvisinei kuti ndewebato ripi.

Asi makore mana vari panyanga, mapato anopikisa anoti hapana chikuru chashanduka achiti VaMnangagwa havasi kuita zvavakavimbisa.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaGift Ostallos Siziba, vati hupfumi hausati hwasimuka uye veruzhinji vari kudya nhoko dzezvironda.

Vatiwo kodzero dzevanhu dziri kutyorwa izvo zvinoratidzwa nekusungwa kwevatori venhau vakaita saHopewell Chin’ono nenhengo dzebato ravo dzakaita senhengo yeparamende, Muzvare Joana Mamombe, vechidiki mubato ravo, VaMakomborero Haruzivishe, Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marowa.

VaSiziba vatiwo hapana hutongi hwejekerere sezvo sarudzo dzemaBy-Elections dzakamiswa kuitwa nehurumende ichiti kune denda reCovid-19, asi bato reZanu PF richibvumidzwa kuita sarudzo dzaro mumatunhu akasiyana siyana.

Mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMaverlous Khumalo, vatiwo kupinda kwaVaMnangagwa panyanga hapana chazvakasandura sezvo pakangochinjwa munhu chete, asi maitiro eZanu PF ari mamwe chete.

Mumwe mugari wemuHarare, VaOwen Dhliwayo, vaudza Studio 7 kuti hapana chashanduka mukati memakore mana apfuura vachiti zvinhu zviri kutoramba zvichioma.

Asi mumwe murume ati anonzi Gerald ati VaMnangagwa vari kubata basa zvakanaka achiti pane zvirongwa zvakawanda zvakaita sekugadzira migwagwa mumaguta nemadhorobha.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kune vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha.

Asi imwe nhengo yeZanu PF, VaPeter Matangi, vaudza Studio 7 kuti vanofara chose nebasa riri kuitwa nemutungamiri nezvirongwa zvekusimudzira hupfumi hwenyika zvakaita seNational Development Strategy 1 neVision 2030.

Vati hurumende yaVaMnangagwa yashandura mararamiro evanhu munyika pamwe nekusimudzira hupfumi hwenyika.

VaKhumalo vati hurumende haifaniri kuzvirova dundundu vachiti vanhu ndivo vanofanira kuita izvi kana vachifara nezvairi kuita.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika uye vari mutungamiri weDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, vati VaMnangagwa havasati vazadzikisa zvese zvavakavimbisa vanhu pavakapinda pachigaro.

Kunyange hazvo hurumende ichiti ine hurongwa hwekusimudzira veruzhinji, World Bank inoti vanhu mamiriyoni manomwe nezviuru mazana masere vari kurarama munhamo yakanyanyisa muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG