Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopesana Pane Zviri Kuitwa neMapurisa paKuratidzira kweMDC


Zimbabwe Protests

Kurambidzwa kwebato guru rinopikisa reMDC kuratidzira kuoma kwaita zvinhu munyika kwamutsa mutauro vamwe vachiti hurumende iri kutyora kodzero dzevanhu asi vamwewo vachirumbidza danho iri sezvo vachiti rakanangana nekuchetedza veruzhinji nemabhizimisi kubva kumhirizhonga.

MDC yange iine hurongwa hwekuratidzira mumatunhu ese munyika, asi mapurisa akarambidza izvi achiti aityira kuti paizogona kuita mizhirizhonga sezvakaitika pakuratidzira kwemuna Nyamavhuvhu gore rapfuura pamwe naNdira gore rino pakaparadzwa zvinhu zvakawanda, pakakuvara nekuurawa vanhu vakawanda.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC, VaLuke Tamborinyoka, vanoti zviri kuitwa nemapurisa nehurumende zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Vanoti zviri pachena kuti mapurisa nemauto ari kutambura sevamwe vanhu uye kurambidza kuti varatidzira hachisi chido chavo.

Asi mutungamiriri webato reLEAD, Amai Linda Masarira Kaingidza, vanoti vanoona sekuti zviri kuitwa nemapurisa zvinokonzerwa nevanhu vanotadza kuzvibata kana vanhu vachiratidzira.

Vanoti vanhu vakashunguridzika zvikuru nemhirizhonga nekuurayiwa kwakaitwa vanhu gore rapfuura pamwe nekutanga kwegore rino.

Mutevedzeri weMDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, zvakare vari gweta, VaObert Gutu, vanoti vanotsigira bumbiro remitemo yenyika pakupa vanhu kodzero yekuratidzira murunyararo uye havabvumirani nemhirizhonga.

VaGutu vanoti bato ravo rinopokana nevanhu vanoita mhirizhonga pakuratidzira.

Mumwe mugari wemuHarare, VaEnergy Homwe, vanoti vanoona sekuti zviri kuitwa nemapurisa zvakanaka nekuti zvinovapa mukana wekuramba vachishanada pasina anovavhiringidza sezvinowanzoitika pese panoratidzira vanhu.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti zviri kuitwa nemapurisa hazvipe hurumende chimiro chakanaka sezvo pange paine tariro kubva kune veruzhinji kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa nemapurisa avo, ichashanda nevanhu zvakanaka.

Nyanzvi inoshanda neCentre for Languages and Communication Studies paChinhoyi University of Technology, Dr Ted Mungwari , vanobvumirana naVaKuchera vachiti pachinhambo chekurambidza vanhu kuratidzira, mapurisa anofanira kutsvaga nzira dzakanaka dzekushanda nevanhu, mapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

VaMungwari vanoti zviri pachena kuti vanhu vari kutambura zvakanyanya uye hurumende inofanira kuita nhaurirano dzakajeka nemapato ese ari munyika kusanganisira MDC inotungamirirwa na Advocate Nelson Chamisa nedonzvo rekugadzirisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Murairiridzai wepaGreat Zimbabwe University, VaJoel Mkusha, vanotiwo mhirizhonga pakuratidzira haina kunaka uye vemapato ezvematongerwo enyika vanofanira kubatana voshanda pamwe mukusimudzira nyika.

VaTamborinyoka vanoti kunyange hazvo MDC ichiremekedza SADC, havana kufara nedanho rayo rekupa VaMnangagwa chigaro chasachigaro webandiko resangano iri reOrgan on Politics, Defence and Security pamusangano wakatanga neChishanu kuTanzania apo mapurisa aizvindikita vanhu vairatidzira muHarare.

VaKuchera vanoti hapana chinoshamisa pakunyarara kweSADC pamatambudziko akatarisana nevana veZimbabwe vachiti ndizvinoita sangano iri zvisinei kuti vanhu vari kutambura munyika ipi mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Nyika dzekumadokero dzakaita seAmerica, Canada nedzimwe dziri muEuropean dzakashora zviri kuitwa nemapurisa dzikakurudzira kuti aremekedza kodzero dzekusangana kana kuratidzira dzinopihwa vanhu nebumbiro remitemo yenyika.

Asi munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti mapurisa ane masimba ekumisa kuratidzira sezviri mumutemo wePublic Order and Security Act, POSA.

Asi MDC inoti ichagara pasi yozeya matanho ekutora zvichitevera kurambidzwa kwayakaitwa kuratidzira mumaguta anoti Harare, Bulawayo, Gweru neMasvingo.

MDC inoti chikamu chePOSA chakashandiswa nemapurisa kuiotira kuti bato iri risaratidzire, chinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Kunetsana uko kunoitika mushure mekunge mutemo wePOSA wavandudzwa nematare eNational Assembly ne Senate, pachidzikwa bhiri remutemo weMaintanance of Peace and Order, iro ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika kuti richive mutemo unoshandiswa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG