Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotaura Pamusoro peLockdown


Zimbabwe police

Vanhu vakawanda vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana kuwedzerwa kwaitwa Level 4 Covid-19 Lockdown nemamwe masvondo maviri kusvika musi wa Gunyana 7.

Mumwe mutengesi wemumugwagwa audza Studio 7 kuti kuwedzerwa kwelockdown kunoreva kuti hupenyu hwavo hucharamba hwakavaomera sezvo vanhu vanenge vasina kusununguka kuti vafambe vachitenga zvavanoda.

Nyanzvi mune zvehupfumi, uye vachishanda ne Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vati vange vari kutarisira kuti lockdown iyi ichisvika kumagumo senzira yokusimudzira makambani.

Mutungamiriri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vatiwo vatambira kuwedzerwa kwenguva yelockdown senzira yekudzivirira chirwere cheCovid 19.

Asi vati chikumbiro chavo kuhurumende ndechekuti dai nguva yekuvhurwa kwezvitoro yawedzerwa vachiti vanenge vari kumabasa havana nguva yekupinda muzvitoro.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vatiwo kunyange hazvo vatambira danho rekuwedzera lockdown level 4vanoshushukana nekusavapo kwegadziriro yekuvhurwa kwezvikoro.

Asi nyanzvi munezvehutano huye vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vati kupamhidzirwa kwelockdown hakuna zvakuri kubetsera kunyanya vakatarisa nyaya yezvekufambisa.

VaMadzorera, avo vanove munyori wezvehutano muMDC Alliance, vati kurambidzwa kwezvekufambisa zvinotakura veruzhinji zvisiri pasi pekambani yeZupco kwasiya vanhu vaine dambudziko izvo zvoita kuti vanhu vamanikidzane mumotokari shoma dziriko izvo zvichawedzera njodzi yekubata chirwere ichi.

Gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakazivisa nezuro kuti hurumende yawedzera lockdown nemasvondo mavirisenzira yekurwisa denda reCovid-19. Vakatiwo hurumende icharamba ichitenga nhomba kuti vese vanoda vabayiwe.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti Covid-19 yakauraya vanhu makumi mavirinevanomwe, uye vanhu mazana matatu neguminevapfumbamwe (319) vakabatwa nechirwere ichi

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru zana nemakumi matatu nezvitatu nemazana matatu nemakumi maviri(123 320), uye vafa nechirwere ichi vava zviuru zvinanemazana matatu nemakumi maviri , (4 320).

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga munyika yese vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu zvine makumi masere nezviviri nemazana matatu nemakumi mashanu nevapfumbamwe (2 382 359).

Vabayiwa nhomba yepiri vave miriyoni nezviuru mazana mashanu nezvitanhatu nemazana mana nemakumi mana nevashanu(1 506 445).

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvabuda muongororo dzaitwa nhasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG