Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoratidzira muNew York kuMusangano weUNGA


UN US Flag
UN US Flag

MDC Alliance yabatana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America mukuratidzira kuri kuitika kumuzinda weUnited Nations mu New York.

Kuratidzira uku kunoitika panguva iyo gungano reUnited Nations General Assembly riri kuita musangano waro wechimakumi manomwe nematanhatu.

Bazi reSecret Service muNew York rinoti gore rino kune vatungamiri venyika vanosvika makumi mapfumbamwe nevadikani vavo makumi mana variri kuchengeta.

Asi mutungamiri weZmbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, havasi kumusangano uyu gore rino nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Sachigaro veMDC Alliance mudunhu re North America Province, VaTawanda Dzvokora, vanoti kuratidzira kwavo kwakanangana nekuzivisa nyika dziri muUnited Nations kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuZimbabwe panyaya dzekodzero dzekuvhota dzevari kunze kwenyika.

VaDzvokora vanoti vana veZimbabwe vava nenguva yakareba vachikurudzira hurumende yeZanu PF kuti ipe mukana wekuvhota kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

VaDzvokora vanoti Zimbabwe inofanirwa kuremekedza bumbiro remitemo yenyika iro rinopa zvizvarwa zvenyika kodzero dzekuvhota.

Vanoti pamusoro pekuratidzira, vachasvitsa gwaro ravo renyunyuto kuUnited Nations kuitira kuti nyika dzemugungano iri, dzione zviri kuitwa naVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanoti havawirirane nepfungwa dzekuratidzira, vachange nyaya yevhoti yemu diapora inofanirwa kubatwa nenzira ine hungwaru.

VaCharumbira vanotiwo bato ravo riri muNew York, umo richasangana nemadzisahwira aro.

VaCharumbira vanotiwo vachatora mukana wekuungana kuNew York kuremekedza zviri kuitwa nemutungamiri wenyika mukuunza pundutso muZimbabwe.

Vanotiwo vachasvitsa shoko rediaspora vote kuna VaMnangagwa kuitira kuti nyaya iyi igadziriswe nenzira inokodzera.vachiti nhengo dzeZanu PF dziri kunze kwenyika dzinodawo kuvhota dziri munyika madziri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG