Veruzhinji vanoti havasi kufara nekushungurudzwa kwavari kuitwa nemapurisa pavanenge vachifamba vachitsvaga zvokudya kana mishonga kuzvipatara.
Izvi zviri kuitika panguva iyo hurumende yaisawo masoja munzvimbo dzinogara veruzhinji munzvimbo dzakakwanda munyika. Zimbabwe yapinda muzuva rechitanhatu yakavharwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus, icho chabata vanhu vapfumbamwe muZimbabwe, uye kuuraya munhu mumwe chete.
Veruzhinji vakaita saAmai Tracy Nhondo vekuKadoma vati havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nemapurisa panguva yavanenge vabuda mudzimba kuitira kuti vanotsvaga zvokudya kana mishonga kuzvipatara.
Amai Nhondo vati vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa ainge ane shamhu vachibva kuchipatara nemuvakidzani wavo akanga avaperekedza.
Hanzvadzi vavo, VaFarai Nhondo, avo vanove munyori pamwe vachitawo zvekugadzira mafirimu, vati havasi kufara kuti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa zvisina tsarukano.
Mumwe mugari wemumusha weMbare muHarare, Amai Shylet Java, vaudza Studio 7 kuti masoja ari kuonekwa achifamba famba munharaunda yavo asi ari kuvabata zvakanaka.
Asi mashoko atatambira kubva kuMarondera nekuChitungwiza anoti masoja akarova vanhu vaizvifambira zvavo vachitsvaga pekutenga zvekudya.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vakurudzira hurumende kuti ichengetedze kodzero dzevanhu panguva iyo hurumende yakavhara nyika yose senzira yekurwisa chirwere cheCoronavirus, icho chauraya munhu mumwe chete muZimbabwe, vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu pasi rose.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vakurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvakataurwa nehurumende zvekuti vagare mudzimba uye vasangofamba-famba pasina zvavari kufambira zvakakosha.
Vaudzawo Studio 7 parunhare kuti havasati vatambira mashoko emapurisa anonzi ari kurova vanhu zvisina tsarukano.
Asi mutungamiri wesangano rePassengers Association, VaTafadzwa Goliathi, vatiwo veruzhinji vari kushungurudzwa nemapurisa kunyange vaine zvikonzero zvisvinu zvekubuda mudzimba.
Vanorarama nekutengesa mumisika vanoti vaomerwa nehupenyu sezvo varimi vasiri kukwanisa kuuya nehuwandu hwavo nezvirimwa kumisika yezvirimwa yakaita seMbare Musika.
Amai Nyasha Hodzi avo vanorarama nekutengesa muMbare makare vati varimi vashomanana vakwanisa kusvika nezvirimwa kumusika nhasi zvave kuita kuti zvinhu zvakaita semadomasi nemuriwo zvidhure.
Mumwewo anorarama nekutengesa uyo ada kudaidzwa nezita rekuti Lynette ati kana varimi vakabvumidzwa kupfuura pamapurisa vakatakura zvirimwa zvavo, zvinoita kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.
Pasvika Studio 7 pamusika weMbare panga pakavharwa pasina kana murimi mumwe chete zvake anga aine zvirimwa.
Muturiri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio7 parunhare kuti havakwanisi kutaura nezvekuti musika uyu uchavhurwa rinhi, vachiti titaure nehurumende.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakakurudzira mapurisa kuti asiye varimi vachipfuura panenge pakavharwa migwagwa kana kuti pama roadblocks vakatakura zvirimwa zvavo kuitira kuti vakwanise kunotengesa senzira yekuti veruzhinji vakwanise kuwana zvokudya.
Zimbabwe yakavharwa kwemasvondo matatu senzira yekudzivirira chirwere cheCoronavirus, icho chabata vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru zana nemakumi matatu pasi rose, vapfumbamwe vari vemuZimbabwe, uye kuuraya vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu pasi rose, Zimbabwe iine munhu mumwe chete, Zororo Makamba, uyo akashaya mwedzi wapera.
Facebook Forum