Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Mubatira Pamwe Kubatsira Vakawirwa neDambudziko reCyclone Idai


Vanhu vakawanda kubva kunzvimbo dzakasiyana siyana vari kuenda kuHighlands Presbyterian Church vachiendesa zvekudya uye hembe kuitira kuti vagari vekuChimanimani neChipinge avo vakasara vasina pekutangira nenyaya yedutumupengo, vawane rubatsiro.

VaTatenda Tavaziva vekuRotary Club yekuMsasa vanoti masangano mashanu anoti Miracle Missions, Harare Helps, Rotary Clubs, Hope Iniative neEat Out Movement ndivo vakaronga kuunganidzwa kwezvinhu izvi.

VaTavaziva vanoti zvizvarwa zveZvimbabwe zviri mhiri kwemakungwa zvakaunganidzawo mari yemadhora ekuAmerica inosvika zviuru makumi manomwe nemashanu, uye vagari vemuZimbabwe vaunganidza mari yekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.

VaTavaziva vaendera mberi vachiti kune zvimwe zvinhu zvakawandisa zvabvawo zvakare kunyika dzeBotswana neSouth Africa.

Mumwe mubereki, Baba Themba Katana, vanoti vakaendawo kuChisipite kunobatsira vanhu vakawirwa nedambudziko kunyange vasina hama yakawirwa nedambudziko iri.

Mugari wemuHighlands, VaEdmore Mutematsaka, vanoti zvinofadza kuona vanhu vachibatana nenzira yakadai pasina rusaruraganda.

Zimbabwe yatanga neMugovera hurongwa hwemazuva maviri hwekuchema vanhu vakarasikirwa nehupenyu nekuda kwedutumupengo remhepo nemafashamu emvura kuManicaland neMasvingo.

Hurongwa uhu hwakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vanhu vari kunzi vashaya vaburitswa zviri pamutemo vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe. Vanhu vakawanda vanonzi vakayeredzwa nemvura vamwe vakafushirwa pasi pematombo uye vamwe mudzimba dzavo.

Hurumende yakaudza madzishe nevanhu vari munzvimbo dzakaparadzwa nemafashamu emvura aya vatange kunyora mazita evanhu vasiri kuzivikanwa kuti varipi.

Masangano eUnited Nations neRed Cross, ayo ari kutungamira hurongwa hwekubatsira vanhu, anoti vanhu vanosvika mamiriyoni matatu muZimbabwe, Mozambique neMalawi, vanoda rubatsiro rwechimbi chimbi sezvo vakasiiwa vasina kana pekugara kana chekudya.

Red Cross inoti yave kutumira vanhu vakawanda kunobatsira nyika nhatu idzi.

Ukuwo United Nations iri kuyambira kuti zvirwere zvemayoka, korera kana typhoid zvinogona kutanga kupararira munyika nhatu idzi sezvo vanhu vasina mvura yakachena.

Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson, vanoti hurumende yavo yapa nyika nhatu idzi mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nematatu emadhora.

Ukowo Mambokadzi Elizabeth vekuBritain nemhuri yavo yose vatiwo vari kuchema nevanhu vakarasikirwa nehama mudutumupengo iri.

Canada yazivisawo kuti iri kuzotumirawo rubatsiro kuZimbabwe.

Kunze kwevanhuwo zvavo nyika dzakawanda kusanganisira, South Africa, Zambia, Tanzania, China, America uye masangano akaita seUnited Nations, African Union neSADC, ari kubatsirawo vanhu kuManicaland neMasvingo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG