Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vechidiki muChinhoyi Votarisira Kuna VaChamisa?


VaNelson Chamisa

Vagari vemuChinhoyi nenzvimbo dzakapoteredza guta iri vanoti vari kutarisira kunzwa kumutungamiri mutsva weMDC-T, VaNelson Chimisa, neSvondo kuti hurongwa hwavo kana vachinge vakunda musarudzo dzegore rino, hunenge hwakamira seyi.

VaChamisa vachange vari mutauri mukuru vachitaura pamisangano yeMDC Alliance, kekutanga kubva pavagadzwa semutungamiri webato zvizere.

Mumwe wevechidiki, VaGershem Dzoto, vati vange vasingaende kumisangano yezvematongerwo enyika, asi rwendo rwuno vachaenda kunonzwa kuti VaChamisa vachataura zvinobata vechidiki here.

VaDzoto vati vachanzwa vatungamiri vose, vozosarudza kuti vanga vhotere ani.

Mumwe wechidiki anogara muChikonohono, VaDarius Mhodzi, vati vanotarisira kuti VaChamisa vataure zvakadzama kuti vachaita sei nenyaya yehupfumi izvo zvinoita kuti vawane mabasa.

Mutevedzeri wemurongi yemisangano muMDC-T, VaAmos Chibaya, vanoti vanotarisira kuti vanhu vakawanda vachapinda musangano wemangwana nekuda kwaVaChamisa, avo vavati vari kugamuchirwa zvikuru nevechidiki pamwe nevakuru.

VaChamisa, avo vachange vachimirira MDC Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, vanotarisirwa kutatsurana namutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG