Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vobatsirwa neMishonga yeChirwere cheShuga


Vabereki vakawanda vari kutambira nemufaro ruabtsiro rwemishonga yechirwere cheshuga iri kupihwa pachena vakomana nevasikana vane dzambudziko rechirwere ichi.

Mumwe wevabereki ava, VaBernard Mujeyi, avo vane mwana ane makore gumi nemapfumbamwe ane chirwere cheshuga vanoti vari kubatsirikana zvakanyanya nemishonga iri kupiwa pachena mwana wavo nesangano reZimbabwe Diabetes Association.

Sangano iri kupa mishona iyi pachena kune avo vane makore asingadarike makumi maviri nemashanu.

VaMujeyi vanoti mishonga yechirwere ichi iri kudhura zvakanyanya kuzvitoro zvemishonga.

Vanoti vasati vawana rubatsiro urwu vaitenga mushonga wemadhora gumi pamwedzi nechidimbu vachiti zvaida mari yakawanda kuti vakwanise kuwanisa mwanakomana wavo mushonga wegore rese.

Mumwe mubereki, Amai Faith Makoni, avo vane mwanasikana ane makore gumi nematanhatu ane chirwere cheshuga, vaudzawo Studio 7 kuti zvaivaremera zvakanyanya kuwana mari yemishonga

Vanotungamirira zvirongwa zveZimbabwe Diabetes Assocciation, VaSimeon Jamanda, vati sangano ravo riri kubatsira vechidiki ava nemishonga nezvinoshandiswa mukuvheneka mamiriro eshuga pachirongwa chavakabatana ne International Diabetes Federation.

VaJamanda vatiwo vakaona kuti avo vane makore makumi maviri nemashanu vanenge vasina mari dzekutenga mishonga nekudaro senzira yekubatsira hutano hwakanaka hwevana ava vanovabatsira kusvika pamakore aya avati vanofungidzira kuti munhu anenge okwanisa kuzviriritira.

Chirwere ichi chikasarapwa chinokonzera zvirwere zvakaita seitsvo, kuoma mutezo, kudimburwa makumbo uye dzimwe nguva munhu anogona kuguma ave bofu.

Ongororo yakaitwa nebazi rezvehutano gore rapera yakaratidza kuti munhu mumwechete kubva muvanhu gumi ane chirwere cheshuga munyika.

Ndakamirira Studio7 muHarare ndini Rutendo Mawere

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG