Accessibility links

Breaking News

Kubayiwa Nhomba yeCovaxin Konetsa Vanhu Vakawanda muZimbabwe


A health staff shows a vial of 'India's first indigenous Covid-19 vaccine, "Covaxin" at the Kolkata Medical College and Hospital in Kolkata on February 3, 2021. (Photo by DIBYANGSHU SARKAR / AFP)
A health staff shows a vial of 'India's first indigenous Covid-19 vaccine, "Covaxin" at the Kolkata Medical College and Hospital in Kolkata on February 3, 2021. (Photo by DIBYANGSHU SARKAR / AFP)

Vanhu vakawanda vakabayiwa nhomba yekutanga yeCovaxin vanoti vari kumiswa kwenguva yakareba kuti vabayiwe nhomba yepiri. Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nekuti kabhodhoro kamwe chete kenhomba iyi, kanofanirwa kushandiswa kubaya vanhu gumi kana kachinge kavhurwa.

Izvi zvabuda mutsvagiridzo yaitwa neStudio7 mushure mekunge yanzwa kuti pave nedambudziko guru rekuti vanhu vabayiwe nhomba yepiri yeCovaxin.

Izvi zviri kuitika munzvimbo zhinji munyika yose.

Mumwe wevanhu vakamirira kubayiwa nhomba yepiri yeCovaxin, Amai Simbiso Sinyoro,vati vaifanirwa kubayiwa nhomba iyi musi wa30 Chikumi, asi izvi hazvisati zvaitika.

Amai Sinyoro vati kunyange hazvo vakawana kune nhomba iyi kuchipatara kuMbare vakaudzwa kunzi vanofanirwa kumirira kuti vanhu vatange vasvika gumi kuti vabayiwe nhomba iyi.

Mumwe mukoti anobaya nhomba ataura neStudio 7 asina kuda kubuda pamhepo atiwo nhomba yavanayo yeCovaxin haigoni kuvhurwa kana pasina vanhu vakakwana vekubaya nhomba iyi.

Mukoti uyu ati vanonyora mazita evanhu vozovazivisa kuti vauye kuzobayiwa musi wakati kana vanhu ava vakwana gumiAtsanangurawo kuti vanonyora vanhu mazita vozovazivisa kana vakwana gumi.

Nyanzvi munyaya dzehutano uye vachimiririra Chinhoyi mudare reNational Assembly, VaPeter Mataruse, vaudza Studio 7 kuti kumboshaikwa kwemishonga uku kunogona kuzokanganisa mashandiro akanaka enhomba.

VaMataruse vatiwo zvekudzosera vanhu vambouya kuzobaiwa vasina kuwana nhomba zvinokonzerawo kuti vamwe vaore moyo vobva varega zvachose kubayiwa nhomba iyi.

Imwe nyanzvi yezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati pan homba dzakadai, zvipatara zvinofanirwa kuzivisa veruzhinji mazuva ekuenda kunobayiwa nhomba kuitira kuti vagare vakagadzirira.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo ranga risati rawana zvinyunyuto zvekuti vari kuda nhomba yeCovaxin vari kumiswa kwenguva yakareba vasati vabayiwa nhomba iyi.

Zimbabwe yakatanga kutambira nhomba dzeCovaxin zviuru makumi matatu nezvishanu, 35 000, kubva kuIndia muna Chivabvu, uye yakava nyika yemuAfria kutanga kushandisa nhomba iyi.

Zimbabwe ine mhando ina dzenhomba yeCovid-19 dzinoti Sinovax, Sinopharm, Sputnik V neCovaxin.

Hurumende inoti vanhu vabayiwa nhomba yekutanga kusvika nezuro vakanga vava zviuru mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nezvivatu nemakumi manomwe nevanomwe 793,077, uye vabayiwa nhomba yepiri vava zviuru mazana mashanu nemakumi matanhatu nezvisere nezana nemakumi matatu nevatatu, 568,133.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vari munyika.

Hurumende yakazivisawo nezuro kuti vanhu gumi nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana masere nevapfumbamwe, 809, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vava chiuru nemazana masere nemakumi manomwe nevasere (1878) .

Vanhu vabatwa neCovid -19 munyika yose vava zviuru makumi mashanu nezvina nemazana mana ane nemakumi manomwe nevana, 54, 474.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi manheru apo hurumende ichizivisa zvayawana nhasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG