Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chinosungwa Chichiedza Kuyananisa Mapurisa neVechidiki Vaipopotedzana


Tapiwa Musonza
Tapiwa Musonza

Mapurisa emu Washington D.C. ari kushorwa zvikuru pa ‘social media’ mushure mekupfura nemagetsi, kana kuti ‘taser’, chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Tapiwa Musonza, uyo anonzi akange achiedza kuyananisa mapurisa nevechidiki vavaipopotedzana.

Vakaona zvichiitika vanoti mapurisa ekambani yezvitima nemabhazi munharaunda yeDMV, Metro Transit Police, vakange vachinetsana nevechidiki vakange vaburuka muchitima mapurisa akatanga kuvabvunzurudza zvine hasha pakatanga kuita gakava.

Tapiwa akapindira achiedza kutaura nemapurisa kuti aregere vana ava, apo pakasvika mamwe mapurisa akange atosheedzwa kuzobatsira.

Mapurisa akange asipo pakatanga nyaya iyi anonzi akasvika akanangana naTapiwa vakamudonedzera pasi ndokumupfura nemagetsi, kana kuti ‘taser’ vachibva vamutora ndokuenda naye.

Mumwe wevakaona zvichiitika, Kegan Queen, audza nhepfenyuro yeWUSA9 yemuWashington DC, kuti Tapiwa haana kana chaakatadza.

Mumwezve akaona zvichiitika akatora vhidhiyo yekunetsana kwese uku akaiendesa kusangano rinorwira kubatwa kwevatema zvakanaka nemapurisa, reBlack Lives Matter, iro rakabva raisa vhidhiyo iyi pa ‘social media’ ikashatirisa vanhu vazhinji.

Mapurisa akazosunungura Tapiwa pasina mhosva yavamupomera.

Amai vaTapiwa, Amai Patience Musonza, vaudza Studio 7 kuti hana yavo ichiri kurova uye mwana wavo zvichiri kumunetsa zvikuru

“Izvi ndange ndichingozvionera paTV, vanhu vatema vachibatwa zvisina kunaka nemapurisa asi kana zvaitika mumba mako, ndipo paunonzwisisa kuti sei masangano akaita seBlack Lives Matter achigaroshora mapurisa muAmerica,” Amai Musonza vakaudza Studio 7.

Vakatiwo mapurisa haana hukama nevanhu vari munzvimbo dzaanoshandira uye hapana kuvimbikana pakati pevanhu nemapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG