Accessibility links

Breaking News

Varwere Voramba Vachitambura Muzvipatara zveHurumende


Chamisa At Parirenyatwa

Zvinhu zviri kuramba zvichiita manyama amire nerongo muzvipatara zvehurumende nepamusana pekuti vana chiremba vadiki havasi kuenda kubasa vachiti havana mari dzekufambisa dzinovakwanira.

Ongororo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti vanachiremba vakawanda havasi kuenda kubasa.

Vamwe amai vasina kuda kudomwa nezita vanga vari paParirenyatwa vati vanga vave nenguva vakamirira chiremba kuti hama yavo yanga ichida kurapwa maronda ekurohwa, ibatsirwe.

Pakashanyirwa chipatara cheHarare Hospital nezuro negurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, vakabvuma kuti vanhu vari kubatsirwa pazvipatara zvehurumende izvi ndevaya vanenge vachinyanyisa kurwara.

VaMoyo vakatiwo hurumende iri kukumbirisa vanachiremba kuti vadzokere kumabasa voita navo hurukuro panguva iyo vanenge vachibatsira varwere.

VaMoyo vakatiwo nekuda kwekuti vanachiremba havana kudzokera kubasa mumazuva maviri akatarwa neLabor Court, havachakwanisi kuenda kunoyananiswa asi vakati hurumende yakazvipira kuita hurukuro nanachiremba.

Health Services Board yakakwidza nyaya iyi kumatare ayo akati kusaenda kumabasa kwavana chiremba kwanga kuri kunze kwemutemo, ikapa vanachiremba mazuva maviri ekudzokera kubasa izvo zvisina kutevedzwa.

Asi vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Doctor Masimba Ndoro, vati havasati vapikisa mutongo weLabor Court mudare repamusoro reSupreme Court vachiti vachakamirira kunzwa zvikonzero zvakaita kuti dare reLabor Court riti kusaenda kwavo kubasa zviri kunze kwemitemo.

Zvichakadaro, Zimbabwe Hospital Doctors’ Association inoti yasvitsa magwaro ayo kuHealth Services Board ichikurudzira kuti paumbwe Medical Council Apex kuti imiririre zvido zvavanachiremba.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Tawanda Zvakada, vati vaona zvakakodzera kuumba sangano iri richaona machiremba neHealth Services Board vachiita hurukuro pachavo vari vega.

VaZvakada vati vanachiremba vakabuda muHealth Apex Panel mushuremekuona kuti izwi ravo raisanzwika sezvo mamwe masangano aibvuma zvaibva kuhurumende.

Health Apex Council ine masangano anosvika gumi nemaviri anomirira vashandi vakasiyasiyana vari mubazi rezveutano.

Vanachiremba vakatanga kusaenda kumabasa musi wa 3 Gunyana vachiti havana zvikwanisiro zvakakwana kuti vaende kumabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG