Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeParamende Dzinoti Hurumende Ngaibude Pachena paRubatsiro rweCovid-19


Les membres nouvellement élus du Parlement du Zimbabwe se préparent à prêter serment lors d'une cérémonie d'assermentation à Harare le 5 septembre 2018.
Les membres nouvellement élus du Parlement du Zimbabwe se préparent à prêter serment lors d'une cérémonie d'assermentation à Harare le 5 septembre 2018.

Apo huwandu hwevanhu vabatwa nehutachiwana weCoronavirus huri kuramba huchikwira munyika, dzimwe nhengo dzeparamende muHarare dzinoti dzinodawo kuva nechekuita nehurongwa hwehurumende hwekudzivirira chirwere ichi pamwe nekuona kuti rubatsiro rwuri kupihwa nyika pamusoro peCoronavirus rwuri kufambiswa sei.

Nhengo dzeparamende nemakanzura emuHarare dzinoti dzinofanira kuva nechekuita nemabasa ehurumende ekudzivirira chirwere cheCoronavirus.

Mumiriri weGlen Norah muNational Assembly, VaWellingotn Chikombo, vati izvi zvakakosha nekuti vanongonzwa kuti pane zviri kuitwa nehurumende, asi kunzvimbo dzavanomirira kusina chiri kuitika.

Asi VaChikombo vati kunyange hazvo paramande yakavharwa, inofanirwa kuvhura sezvakaita paramende yekuAmerica kuitira kuti izeye nyaya dzakakosha dzinobata Covid-19.

Mumiriri weWarren Park, VaShakespear Hamauswa, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti muhurongwwa hwayo hurumende ishande nenhengo dzeparamende mukudzivirira Coronavirus.

Vatiwo vanongonzwa kuti hurumende iri kuwana zvinhu zvekushandisa kudzviririra Coronavirus asi havasi kuona zvinhu izvi munzvimbo yavanomirira.

VaHamauswa vatiwo kunyange hazvo hurumende iri kuti zvikoro zvepamusoro zviri kugadzira mamasiki nemasanitaiza, zvinhu izvi hazvisati zvave kuwanikwa mumisha inogara vazhinji uye zvakakosha kuti hurumende ishande nemadzimai ane makirabhu ekokusona mumisha iyi pakugadzira zvinhu izvi.

Kanzura weWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore, vaudza Studio7 kuti havasati vatanga kuwana maSanitiser and maMask vachiti vari kuwana zvinhu izvi kubva kumasangano anoshanda kazvimirira, asi zvishoma.

Hatina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano kana kugurukota rinoona nezvedunhu reHarare, VaOliver Chidhau, sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Asi mumashoko avo, sachigaro weTaskforce inoona nezvechirwere cheCoronavirus, zvakare vari mumwe wevatevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi, vazivisa kuti nyika ichawedzera huwandu hwevanhu vari kuongororwa zvichiteverwa kuvhurwa kweimwe nzvimbo inoita ongororo yechirwere cheCoronavirus kuBulawayo.

Vatiwo pane dzimwe nzvimbo dzekuongorora chirwere ichi dzichavhurwa munguva pfupi iri kutevera.

Asi VaMohadi vati Taskforce yavo yakaita misangano mumatunhu ese munyika ichinzwa pfungwa kubva kunhengo dzeparamende pamwe nevakuru vakuru mumatunhu aya uye ichashandisa zvakabuda mumisangano iyi kusimbaradza chirongwa chayo chekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG